‘Uhu huroyi hwemberi’

BISHOP Ndanga
BISHOP Ndanga

Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), Bishop Johannes Ndanga, vanoti nyaya yemudzimai wekuGokwe wekusununguka gudo ine chekuita nemabasa emweya yerima uye vari kuvimbisa kuti sanganao ravo richatsvaga chokwadi panashura aya.“Inyaya inoshamisa saka tinoda kuti Mwari vadudzire zviratidzo zvakadai voga kuburikidza nemaporofita, kwete venhema. Nyaya iripo ndeyekuti ivo Mwari vakaona kuti vanhu havasi kuterera vanoshandisa zviratidzo saka pamhuri iyi pane chirevo chakasimba,” vanodaro.

Bishop Ndanga vakati sangana ravo rakawirirana naMambo Chireya kuti vachasarudza maporofita vemhando yepamusoro avo vachanotsvaga chokwadi chaicho munyaya iyi.

“Haisi nyaya yekusekana kana mumwe achinge awirwa nedambudziko rakadaro, ngatibatanei timubatsire. Tine maporofita atichatumira kunoshandira mudzimai uyu nemhuri yake, ini ndinenge ndiripo,” vakadaro Bishop Ndanga.

Mambo Makono Masawi (45), avo vari kwaMashayamombe kuMhondoro, vanoti mukurarama kwevanhu, hapanai munhukadzi anofanira kubereka mhuka yakaita segudo.

“Mudzimai uyu pane zvakawanda zvinogona kunge zvakaitika paari. Anogona kunge akashinhirirwa nevamwe vanhu seshaisano kuti atadze kubereka mwana chaiye, aite gudo kana kuti akarariswa nechikwambo,” vanodaro Mambo Masawi.

Vanoti mudzimai uyu anoda kubatsirwa nekukasika sezvo akasiiwa akadaro anogona kuramba achiita vana vachifa.
VaJonathan Shoniwa Mupamombe (49) vekuTshovani kuChiredzi, avo vanova svikiro, vanoti hapana chimwe kunze kwekuroiwa panyaya yemudzimai uyu.

“Dzimwe nguva munhu ukada kupihwa huroyi kana mamwe mashavi akaipa emumhuri ukaramba, unorwadziswa zvakaita sekusungwa mbereko kana kuitiswa vana zvidhoma kana mazeeretsi. Unogona zvakare kuita vana vachifa kana mhuka sezvakaitwa kune mudzimai uyu,” vanodaro.

“Pamwe vanhu kana vachiroya vanogona kutadza kuwirirana nevamwe varoyi panyaya yekuti chijana chinenge chasvika kwaari chekudya nyama yevanhu yekumba kwavo. Pakadai apa zvinogona kunzi hatidyei mwana ari mudumbu mako nekuti varoyi vanonakirwa zvikuru nenyama yetusvava tusati twasunungukwa. Iwe ukaramba zvinenge zvichidiwa unogona kuzvariswa mhuka, mwana akafa kana chirema,” vanodaro.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×