‘Uku kuroyiwa kwepamusoro’

Munyori weKwayedza —
MUKURU wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti Vambe akaroyiwa.

“Pane kuroya kweshavi, koita zvimwe zvekupfidzisa uchinzi unodada kana kuti kuonererwa kana totaura zvemazuva ano. Vanhu vakaroya murume uyu vaida kutomuuraya ipapo asi vakazvitadza,” vanodaro.

Madzibaba Elias Gomwe vechechi yeJohane Masowe kuChitungwiza vanotsinhira vachiti aya mabasa ehuroyi.

“Uku kuroyiwa kuri pachena uye kwakasimba nekuti hakuna munhu anongoerekana asisaone, kuita seapfurwa nepfuti. Baba ava ngavafambe mhepo dziri pavari dzibviswe uye dzimwe nguva denga rinovadavira,” vanodaro.

Sekuru Friday Chisanyu vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners vanoti dambudziko rina Vambe rinogona kupera kana akabatsirwa nezvitopota zven’anga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×