Uku muporofita, uku in’anga

— ‘Chiporofita nehun’anga zvakafanana’
— Kwese kunoshandiswa hari, tsvimbo’

Kingstone Mapupu —-
MUKURU weimwe chechi yechipositori iri kuChitungwiza anoita zvinogara zvakadaro — uku anonamatira vanhu, uku anoshandisa mishonga yechivanhu.

Bishop Never Pfidze (58) vechechi yeRujeko Apostolic Church — iyo yavakavambira kuChipinge, kuManicaland — vanoti chiporofita nehun’anga zvakangofanana izvo zvinoita kuti vashandire vanhu vachishandisa mvura yemiteuro nemishonga yechivanhu zvose.

Muporofita uyu anoshandira vanhu achibatsirana nemudzimai wake n’anga, Mai Sarah Pfidze (48).

Bishop Pfidze vanoshandira panzvimbo iri pedyo neChitungwiza Town Centre.

“Muporofita nen’anga kana kuti nesvikiro havana kumbosiyana nekuti munhu akasiya chiporofita, anoita n’anga uyewo akasiyawo hun’anga, anoita muporofita. Mishonga yatinoshandisa miti yacho yakasikwa naMwari uyewo angava matombo kana mvura kana chii zvacho, zvose ndezvaMwari.

“Hazvina chakaipa kuti ndinorapa vanhu nemishonga tichibatsirana navadzimai vangu,” vanodaro.

Vanopa muenzaniso wekuti munhu anoenda kuchipatara anogona kupihwa mapiritsi akagadzirwa kubva mumishonga yechivanhu inenge yakasanganiswa nezvakasiyana.

“Kushandisa kwatinoita midzi kana mimwe mishonga yechivanhu zvakangofananawo nemunhu anoenda kuchipatara onopihwa mapiritsi kana mimwe mishonga yechirungu inogadzirwa kubva mumishonga yemusango,” vanodaro Bishop Pfidze.

Vanoti kushandisa kwavanoita chiporofita, midzimu, mishonga yechivanhu uyewo mvura nematombo zvinoita kuti varwere vavo vakurumidze kupora.

Bishop Pfidze vakapfeka gemenzi

“Mashandiro edu aya ndiyo inonzi ‘combination’ inodiwa kuti matambudziko evanhu apere. Kunamata nechivanhu hazvina kusiyana nekuti ukauya kuchechi wakatakurana nengozi dzako, tinoti tanga wanoripa munhu wawakauraya kana kuti wawakauraisa, kana kuti dambudziko rako rinobva pakuti hauna kubvisa mombe yehumai.”

Bishop Pfidze vanoti kuchivanhu kunoshandiswa hari dzemakate, tsvimbo nemapakatwa izvo zvinoshandiswawo kune mamwe machechi, zvikuru echipositori.

Vanoti vanoverengawo bhaibheri pakunamata kwavo.

Bishop Pfidze vakapfeka hanzu dzechivanhu

“Ikurudziro yangu kune maporofita kana mamwe mafundisi kuti ngavashandise zvose zvavanopihwa naMwari kuti vabatsire vanhu mumatambudziko avo – ingava mvura, matombo, mishonga yechivanhu kana chii – zvose zvinobatsira vanhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Pfidze vachiti sen’anga, vanoshandisawo mvura sezvinongoitwa nemaporofita pamwe nemishonga yechivanhu.

“Chiporofita nehun’anga zvimwe chete, mweya iyi inongochinja kana uchibva kumudzimu uchienda kuchiporofita nekubvawo kuchiporofita uchienda kumidzimu kana kuti mashavi,” vanodaro.

Mukuru wesangano reApostolic Christian Council of Zimbabwe, Archbishop Johannes Ndanga, vanoti hun’anga nechiporofita hazvipindirane zvachose.

“Hatina manamatiro akadaro, ekuti munhu anonzi muporofita kana kuti bishopu achinamatira vanhu nemvura nekuvaisa bhaibheri pamusoro ukuwo ovadyisa mishonga yechivanhu. Hakuna zvakadaro,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *