‘Maspiritual husbands anodariso’

Munyori weKwayedza —
PROPHET Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries kuGlen View, muHarare, vanoti dambudziko rakatarisana nevanhukadzi vasingaroorwe kana kusemwa nevarume ava riri kukonzerwa nezvidhoma nemweya yakaipa.

“Dambudziko rakadai rinowanikwa kumadzimai mazhinji mungava munyika muno kana kunze, pane atinoti ma”spiritual husbands” (varume vemumweya) vasingade kuvaona vachiita varume kana kuita mukomana chaiye. Zvavanotaura kuti vanonzwa vachitoshereketwa navo ichokwadi.

PROPHET FREDDY

“Zvinhu zvinobatsirwa vanhu zvichitopera nyore-nyore. Ngavatsvage kwekubatsirwa nenguva,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa negodobori – Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza – vachiti vanasikana vedzinza iri vakagadzikwa mweya wengozi kana kuti vari kushandiswa nezvidhoma.

“Nyaya iyi haingoitika pachena, mudzinza revanhu ava mune munhu akaromba anoshandisa vanasikana chete. Kudzoka kwavo kuvarume nekutambura kwavo zvinhu zvake zvinenge zvichishanda nekubudirira. Vakuru vemhuri iyi ngavaitewo tsiyo nyoro vabatsire vana ava?” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×