‘Uku ndiko kushereketa kwemberi’

Munyori weKwayedza
VOTAURA nezvemashura aya, Sekuru Elisha Mutanga, avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu uye vari nhengo yesangano revarapi reZimbabwe National Traditional Healers’ Association (Zinatha), vanoti chiitiko ichi chinoratidza kuti pane hushereketwa huri kuitwa hwakanakangana nemunhu mukuru munharaunda iyi.

“Kune vanhu vanogona kudaro vari kurwira humambo kana husabhuku. Vakuru venzvimbo iyi vanofanirwa kukasika kutsvaga rubatsiro kuti varwise hondo iyi pasati padeuka ropa,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti fodya nedoro zvinoshandiswa mukukumbira kuvadzimu vemunhu akanangwa kuti vazarurire muvengi, bakatwa richireva rufu – kunyanya kana rakabairirwa muvhu.

Sekuru Mutanga vanoti tsvina yemunhu iri muhari ine chinangwa chekuti munhu asemwe kana kuva nerushambwa.

“Munoziva tsvina yemunhu mukuru hapana anoifarira, vose vanoiona vanoisvipa. Saka ungava munhu ane chigaro chepamusoro, vanhu vanokuzvidza nekukusema zvichireva kuti basa rako rinenge raparadzwa nemuvengi.

“Kana riri bakatwa rikany’udzwa muvhu, iro rikatadza kutora upenyu hwemunhu iyeye kana mheni, unogona kuva munhu anodhererwa nevanhu. Mabasa eSatanism iwaya asi ari kuitwa nevanhu vemhuri,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×