Ungaziva sei kuti une hernia?

VANHU vazhinji vanotambudzwa nezvirwere zvakasiyana nekudaro zvakakosha kuziva zviratidzo zvacho kuitira kuti munhu asangogara zvirwere zvichigodza mumuviri.

Svondo rino sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group — kuburikidza nebhuku rarakadhindisa rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako”, rinotsanangura pamusoro pechirwere chekuzvimba duriro kana kuri kuvarume chinodaidzwa kunzi hernia muChirungu.

Hernia inovapo kana zvinowanikwa muura kana kuti mudumbu zvikange zvisina kumira zvakanaka nekudaro zvinosundidzirana kusvika zvabuda nepanzvimbo inenge yakapfava.

Chirwere ichi chakanyanya kuvanhurume kana zvichienzaniswa nekuvanhukadzi.

Hernia inowanza kutangira panopera dumbu nepanotangira chidya asi ichizoguma yakura zvekupinda muduriro (scrotum).

Zvinokonzera hernia:

Hernia inogona kukonzerwa nekusimudza zvinhu zvinorema, kukosora uye zvose izvi zvinogona kuvhiringa tsinga dzedumbu zvichikonzera marwadzo.

Kufamba kunoita tsinga idzi (loop of bowel) dzinenge dzichienda panzvimbo dzakapfava dzepedyo semuduriro, paguvhu kana panosangana chidya nedumbu.

Zviratidzo zvehernia:

Murwere anonzwa kupera simba, kupiswa kana kusundwa muduriro.

Kunzwa chinhu chakaita bundu muduriro kana panosangana chidya nedumbu.

Kuzvimba uku kunogona kuonekwa kuchiwedzera apo murwere anokosora asi zvichipera paanorara pasi.

Kunzwa marwadzo muduriro apo unosimudza zvinhu zvinorema uye izvi zvinokanganisa mafambiro akanaka eropa.

Kurapwa:

Chirwere chehernia chinorapika, zvikuru kuburikidza nekuvhiiwa.

Dziviriro:

Shandisa simba remumakumbo kwete musana pakusimudza zvinhu zvinorema.

Edza napose paunogona kuregedza kusimudza zvinhu zvinorema.

Simbisa tsinga dzedumbu rako kuburikidza nekuita mitambo yakasiyana.

Usaregedze mudumbu mako muchiomerwa kuburikidza nekusanwa mvura yakawanda (constipation) uye usapute fodya zvakare.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *