‘Uri kutengesa mombe, kwete kuti dzinofa’

Cassius Mushore
MURUME wekunzi ari kushungurudza mudzimai wake pamwe nekuparadza upfumi hwakaita semombe achitengesa asi achizonyepa kuti dziri kupera kufa nechirwere akamiswa mudare nemudzimai uyu.

Mavis Mafutamari akamhan’arira murume wake, Kennedy Mafutamari, kuHarare Civil Court achiti maitiro ake amukandisa mapfumo pasi.

“Murume wangu ari kundishungurudza. Izvozvi ari kupedza kuparadza pfuma yose kumusha.

“Takanga tiine mombe 92 dzandaiziva ini, asi iko zvino dzasara shoma- shoma achingopedza kutengesa. Anongoenda kupurazi asina kundiudzawo kuti ndizvo zvaari kunoita.

“Mazuva apfuura akatengesa motokari, handitozive kuti mari yacho yakaenda nekupi. Kana ndikamubvunza kana kumutsiura anondituka achiti handimuudze zvekuita papfuma yake. Kunyanya zvemombe anongouya achiti dziri kupera kufa ari manyepo chete.

“Apawo kuchikoro vana havachaziva kana kubhadhararirwa zvekuti vave kugara vachingodzingwa,” akadaro.

Kennedy akapikisa mashoko aya achiti haasi kutengesa mombe asi kuti dziri kupera nekufa.

“Mombe dziri kupera kufa kumusha changamire. Munongozivawo kuti zvipfuyo zvinofa, kunyanya munguva yekunaya kwemvura kudai.

“Motokari yaari kutaura handina kuitengesa asi kuti ndakachinjana neshamwari yangu iye achindipa mombe 18 asi dzose dzakapera kufa nezvirwere. Ndaitoda kuvakiridza kuti upfumi hukure asi zvakazongoendawo nepamwe.

“Dzimwe mombe ndiri kutengesa ndichivaka zvekuti mukadzi uyu ari kuona kunge ndiri kungonakidzwa nekutengesa. Ari kudaro nekuti iye haasati atombosvika kupurazi kwacho, saka ngaarenge kutaura zvinhu zvaasina kuona,” akadaro Kennedy.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Mavis.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×