GRADE 7: Nayo yemipanda

Ticha Danga
NZWISA inodudza kurairidzwa zvakagadzirwa kuti unzwe kuti pauchazvidya unenge uchizonzwa sei. Zvino nemhaka yekuti imomu muna 2016 munenge mave kuzvikoro zvepamusoro, tangoti titi kanzwisa tsve mumbonzwawo zvamuchasanga nazvo.

Chikamu chapfuura ndakatarisa mupanda (1) kusvika (13). Tinosimudzira nyaya yemipanda iyi kuti tibate mupanda wekupedzisira. Iyi mipanda inobata mazwi ese echiShona zvisinei kuti mhando yeShona inotaurwa ndeipi.

Mupanda (14) ndiwo unotakura mazwi anotanga na “u”. Ndimo mumupanda munopinda mazwi anoti ushasha, unhu, ushe, upfumi, ungwaru, utsi. Mupanda (14) ne (15) hazvina hoche koche. Mupanda (15) unopinda kudzidza, kufunga, kufamba, kuchema, kufara kana kusvinuka.

Mupanda (16) unenge uine zvawo. Ndimo munopinda mazwi anoti panze, pamheto, pano, pasi, pamba panzira kana pauzuru. Mupanda (17) unopinda uchitsinhira nemazwi anoti kunze, kuno, kumusha, kure, kumba kana kuuzuru.

Mupanda (18) unoshanda nemazwi anoratidza mukati menzvimbo sekuti mundiro, muchoto, munzira, mudanga kana muchitoro.

Mupanda (19) ndiwo unoshanda na “svi”. Ndimo munopinda mazwi anooti svimunhu, svisikana, svikomana, svinyunyu, svihembe kana svihuku. Hatina mupanda (20) saka kunobva kwapedzisira mupanda (21) unoshanda nemazwi ana (zi). Ndimo munobuda mazwi anoti zimunhu, zidzikana, zirombe kana zigomana.

Mipanda iyi inotibatsira paya patinege toda kushandisa zvinan’anuro. Chinan’anuro chinoburitsa huwandu sekuti mupanda (1) uyo unoda mazwi anotanga na (mu) murume mumwe, kana wava mupanda (2) toti varume vamwe.

Mipanda inotibatsira kuona mashindisiro ezvisazita zveuwandu. Mupanda (1) tinoti munhu kuuhwandu toti oga kana kuti wose. Kana tava kushandisa vose tapinda mumupanada (2) unodaidza kuti vanhu.

Chakakosha muchiShona chedu kuva nesungawirirano kuti mhosho dziite shoma mukuvaka zvirevo. Nokudaro tinofanirwa kuziva kuti zvinyorwa zvedu zvinotevedzera tusazita twuzere, tusungawirirano nezviratidza nguva (subject concords and tense signs) ndizvo zvinokwanisa kutiratidza zvinhu zvinoitika, zviri kuitika, zvakaitika, zvakanga zvichiitika, zvaiitika, zvichaitika kana zvichazoitika. Paya panonzi tatyora chiShona tinenge tisina kutevedzera mutemo wesunga wirirano.

Ngatitore muenzaniso wechisazita chizere chekuti “ini” tigoshandisa zviratidza nguva zvinokodzera.

Ini ndinodzidza (zvinoitika), ndiri kudzidza (zviri kuitika), ndadzidza (zvaitika), ndakadzidza (zvakaitika), ndakanga ndichidzidza (zvakanga zvichiitika), ndaidzidza (zvaiitika), ndichadzidza (zvichaitika), ndichazodzidza (zvichazoitika). Nditwo twusungawirirano tweratidza nguva zvichibva mumupanda.

Kune zvakare twusungawirirano twomuiti nezviratidza nguva sokuti tikatora mupanda wezita (19) unoti shandisa “svi” totora svana. Zvinoitika nguva dzose tinoti svana svaverenga. Kana zvakaitika toti svana svakaverenga. Pakutarisa zvakanga zvichiitika toti svana svakange svichiverenga. Kana zviri zvaiitika toti svana svaiverenga. Pane zvichaitika toti svana svichaverenga. Kana tovhara musasa nezvichazoitika toti svana svichazoverenga.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×