‘Usadanane nemurume watete vangu’

Milcah Nhakura
MUKADZI anogara kuArcadia, muHarare, akashamisa vanhu vaive mudare apo akati vavakidzani vake, avo vanova mukoma nemunin’ina, vanomurambidza kunosasana mubhawa.

Sandra Gough akaendesa Natasha Martin nemun’ina wake, Danielle Martin, kuHarare Civil Court achivapomera mhosva yekumutadzisa kupinda mubhawa nekumutuka izvo zvinomubvisa chimiro.

“Changamire, vasikana ava vanonditadzisa kufara mubhawa, kunyanya rinonzi Pablos riri kuBorrowdale. Vakambondiinga vakawanda vakandirova pamwe nasisi vangu izvo zvakandibvisa chimiro pane vanhu. Ndakatozobuda mubhawa nguva dzandaisada nemhaka yekuti ndakanga ndakuvara nzara dzangu uye kumeso ndikanoman’ara kumapurisa,” anodaro.

Gough anoti Natasha naDanielle ngavasiyane naye.

“Ndinoda kuti vasanditevere uye vamire kundifonera vachinditi pfambi. Vanondibvunza zvekudanana kwasisi vangu nemurume watete wavo. Vakanditi mhuri yedu yese tiri pfambi,” anodaro Gough

Danielle anoudza dare kuti nyaya yavanonetserana naGough ndeyekuti mukoma wake anodanana nemurume watete vavo.

“Changamire, musikana uyu anoziva zvatinonetserana, sisi vake vanodanana nemurume watete vedu vari kuUK. Zvekumurambidza kupinda mubhawa ari kunyepa nekuti husiku hwatakanetsana ndakatoenda kumba kwavo pamberi paamai vake ndichimubvunza kuti aindidhonzera chii,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Gough gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *