‘Wakanzwa bhata wakabara chirema’

Tatenda Shuro
VAVAKIDZANI vari kumisidzana mudare nekuda kwenyaya yekushungurudzirana vasikana vebasa avo vanonzi vari kupedzisira vatiza nekuda kwekuoneswa pfumvu.

Judith Chitana akamhan’arira Josephine Thompson kuHarare Civil Court achiti ari kutadzisa vasikana vake vebasa kushanda vakasununguka.

“Changamire, muvakidzani wangu uyu andishungurudza zvikuru. Anonditukira vasikana vangu vebasa zvokutoti vazhinji vanotozopedzisira vaenda. Musikana wangu wandinaye iko zvino vakamutuka hanzi ‘wakaonda, une utachiona hwechirwere cheHIV neAIDS,”’ anodaro.

Chitana anoti Thompson anomuseka nokuda kwekuti akazvara mwana akaremara mitezo.

“Amai ava ngavasanditukewo nehurema hwemwana wangu vachinditi makanzwa bhata,” anodaro.

Achipawo divi rake, Thompson anoti haana dambudziko nechikumbiro chaChitana kudare.

“Handipokane nechikumbiro chavo ini,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chitana gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *