‘Usadanane nevarume vevanhu’

Nyasha Bvudzijena

MUDZIMAI wemuHarare anoti akabviswa hembe dzose ndokusara ari musvo nemumwe musikana anova muvakidzani wake mushure mekunge amutsiura kuti asiyane nekatsika kekudanana nevarume vevanhu.

Chipo Chari (57) akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Yolanda Jeru (17) achida gwaro rerunyararo.

Chari anoti Jeru mwana wemuvakidzani wake uye anomuona semwana wake, asi haadi kutsiurwa.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chari gwaro rinomuchengetedza.

“Mwana uyu aitamba nekuuya pamba pangu kubvira ari mudiki tichiwirirana, asi akazongotanga misikanzwa yekudanana nevarume vevanhu avo vanouya vachipaka mota dzavo pamba pangu.

“Ndikamutsiura anobva andirwisa, kundituka nezvinyadzi uye rimwe zuva akandikumura hembe dzose pane vanhu. Saka ndoda kuti dare rimumise tsika yake iyi,” anodaro Chari.

Anoti akamboedza kutaura nevabereki vaJeru asi hazvina kubatsira, nekudaro ava kunyara kufamba muraini sezvo akabviswa hembe vanhu vakayeva.

Anoti Jeru munhu ane hasha dzakanyanya uye asingadzoreke.

Jeru anoti haana dambudziko nekunzi achengetedze runyararo asi ane chigumbu nekuda kwevana vaChari avo vakamurova.

“Inini ndakarohwa nevana vamai ava mushure mekunge vaudzwa kuti takanetsana panguva yavaive vasipo vari kumayunivhesiti kwavanodzidza uye vakandikuvadza sezvo vakandirova vari vavaviri,” anodaro Jeru.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×