Usadherere misoro yehuku

MISORO yehuku inyama inonaka zvikuru kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi zvisinei nekuti vamwe vanoti havaifarire nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Svondo rino Tarisai Maravanyika wemuHarare anorondedzera imwe nzira yekukaringa nyama iyi.

Zvinodiwa:

Misoro yehuku, mafuta, matomatisi, hanyanisi, munyu, chikari kana poto.

Mabikiro:

Geza misoro yehuku nemvura yakachena uchiibvisa rurimi.

Bvisa makushe kana kuti mambava anenge asarira uchishandisa mvura inopisa.

Dimbura miromo urase.

Wozodii?

Chimwaya munyu nezvimwe zvinorungiswa nazvo se”chicken spice”.

Isa mafuta mupoto wosiya apise, wozokanda misoro yehuku uchikanga.

Kana ichinge yatsvukira, chikanda hanyanisi wokanga kwemaminitsi matatu.

Mushure meizvi, chikanda matomatisi pamwe nekuita kuti muto usare wakatsvukira.

Misoro yehuku usaidherere nekuti unozviruma rurimi nekunakirwa!

Inodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *