‘Usaende nevana kusmall house’

Courtney Munodawafa
MUDZIMAI wekusiiwa nemurume wake achinogara nemumwe mukadzi anoti haadi kuti apote achitora vana vavo achienda navo kune mukadzi uyu.

Samantha Madenyika akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Admire Mhedziso achiti ari kumushungurudza nekumurova uye kumukandira hembe dzake panze.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Madenyika gwaro rekumuchengetedza.

“Mhedziso aimbova murume wangu asi hatichagare tese nekuti tiri kunetsana, ave kugara nemumwe mukadzi. Anopota achitora vana vedu achienda navo kumukadzi wake iyeye. Vana vangu vanzwa nekungoratidzwa vakadzi vakangosiyana.

“Chikumbiro changu ndechekuti asatore vana achienda navo nokuti handizive kuti vanonobatwa sei ikoko,” anodaro.

Madenyika anoti Mhedziso anomukandira hembe dzake panze nekumupwanyira midziyo yake.

“Anouya kumba kwangu achindituka pamberi pevana. Anokanda hembe dzangu panze achiputsa midziyo yangu uye anogara achindityisidzira. Akambonditumira meseji achiti anoda kundiparadza. Ndinokumbira kuti paanouya kumba kwangu auye nechinangwa chekuona vana kwete kuzondishungurudza,” anodaro.

Mhedziso anotsinhira kuti anombotyisidzira Madenyika apo anenge amushatirisa.

“Hongu, ndakambomutyisidzira asi kwaiva kuita kwemunhu aiva nehasha nekuti akambonditorera vana akaenda navo kumusha akanovasiya. Handisati ndambomurova kana kumutuka. Patakasiyana akaenda kuSouth akandisiya ndichichengeta vana ndega saka zvinondinetsa kuti nei ari kuti ndingaite zvinhu zvakadaro pamberi pevana. Akazovatora adzoka saka ave kushandisa vana kuti andibhowe,” anodaro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *