‘Bvuma, wakasotwa nepfambi’

Nyasha Bvudzijena
MURUME wemuHarare wekuendesa mudzimai wake kudare achiti ari kumushungurudza akashaya pekupinda nenyadzi apo akafumurwa kuti ari kutaura manyepo uye nhengo yake haichatirimuka zvachose sezvo akasotwa neimwe pfambi yaaimbodanana nayo.

Steven Mutemadaro akamhan’arira Precious Chibatiko kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumurwisa nezvinokuvadza uye kumupopotera nemashoko anonyadzisira pamberi pevana.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mutemadaro gwaro rinomudzivirira.

Mutemadaro anoti kubva pakapera basa kwaaishanda, havazi kugara vachiwirirana nemudzimai wake.

“Ini ndashaya rugare mumba mangu, kana mufaro handichina nekuda kwamai vandinogara navo ava. Vanoti handisi murume nekuti handishande, kana bonde ndakagumisira ndichiri kubasa chaiko. Vanondirambira zvekuti patove nenguva refu izvi zvichiitika,” anodaro Mutemadaro.

Anoti mukadzi wake anomuda kunyange asina mari.

Chibatiko anoudza dare kuti murume wake haasi kutaura chokwadi uye ari kunzvenga nyaya chaiyo iri kunetsa mumba mavo.

“Zvavari kutaura inhema, handivatuke asi chanetsa ibonde raramba kutamba mumba sezvo sikarudzi yavo isisashande. Vakasungwa baba ava nepfambi yavo yavaifambidzana nayo vachiri kuzvinzwa mazuva avaive nemari ini vachitondishainira,” anodaro.

Anoti haana kumboshora murume wake kubvira zvakapera basa kwaaishanda asi kuti munhu anoda vakadzi zvakadarikidza.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *