‘Usanditi small-house, murume ndewedu’

Trymore Muvhawa—

MADZIMAI maviri ari pabarika akakandirana mashoko makobvu nematete mudare, mumwe achiti anogara achirikitwa uye kutukwa kunzi mwana wepfambi.Tatenda Maroyi akadhonzera Dorothy Vhudzi kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Ndatambudzwa nemukadzi uyu, akambodanana nemurume wangu saka iko zvino anogaronditumira mameseji pafoni pangu achinditukirira. Mufunge kuti akanditi ndiri mwana wepfambi.

“Akatanga kundituka hapana chaanosiya, zvose nezvemuzvipfeko zvemukati anenge achingotuka. Anondirova chero pose patinenge tasangana. Ndave kutogara ndichitya,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti: “Ndakambomumhan’arira kumapurisa tikaendeswa kuRotten Row Courts uko akazoregererwa mushure mekunge ndatadza kuburitsa gwaro rinoratidza makuvariro andaive ndaita pakundirova kwaainge aiita iro raifanirwa kubva kuchipatara.”

Maroyi akazoverenga mashoko aanoti aitumirwa panhare yake naMavhudzi ayo akashamisa vazhinji vaiva mudare iri.

Mavhudzi akati Maroyi ainyepera dare kuti akarambana nemurume sezvo vari pabarika vose.

“Mambo wangu, zvaataura zvose ndezvekunyepa, iye mukadzi wechina ini ndiri mukadzi wechishanu. Ndakatomubatsira atsvetwa nemurume kwemwedzi mitatu achigara parengi ndokumupa mari yangu yandiri kutoda nanhasi.

“Handina kumbotukana naye kana kumurova sezvaari kureva asi kuti iye ndiye anotondirova. Kutaura kuno ndakatomumhan’arira kumapurisa, ari kutodiwa nemhosva yekundirova. Mameseji aaburitsa muno mudare ndeakare asati andiendesa kudare kekutanga. Asi kubva ipapo handina kuzomutuka kana kumurova,” akadaro Vhudzi.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Maroyi gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *