Uyu mukadzi wangu’‘. . . neniwo ndewandu’

Courtney Munodawafa

VANHU vaive mudare vakakahadzika apo vamwe varume vaviri vakatsvukisirana maziso nenyaya yekurwira mukadzi, mumwe nemumwe wavo achiti mudzimai uyu ndewake.

Hatford Ndoro akamhan’arira Shadrach Chibaya kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamusoro peaimbova mudzimai wake uyo waave kufambidzana naye.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Ndoro gwaro rerunyararo.

“Murume uyu anogara achiuya kumba kwangu achindivhiringidza. Anokonzera mhirizhonga achirova-rova musuwo wemba yangu, akapinda anondirwisa achindituka,” anodaro.

Ndoro anoti Chibaya aimbova murume wemukadzi waari kufambidzana naye.

“Aimbova murume wemukadzi wandiri kufambidzana naye uye vane mwana vose. Dai arega zvavari kuita, ngaasauye kumba kwangu kana kushungurudza vana vangu,” anodaro Ndoro.

Achipawo divi rake, Chibaya anoti Ndoro haatombomuziva.

“Murume uyu ndaisatomuzive, ndakatanga kumuona paakauya nemagwaro ekuti ndiuye kudare. Ari kunyepa, handisati ndambonetsana naye. Ndinganetsane sei nemunhu wandisati ndamboona?”

Anoti haana kurambana nemukadzi wake uye Ndoro anotova chikomba chemudzimai uyu.

“Ndikamuona anoudzwa nemukadzi wangu kuti atize uye ndikamubvunza mudzimai wangu anobva ati muzukuru wake. Ini nemukadzi wangu tichiri tose, hatina kurambana. Atori chikomba chemukadzi wangu,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *