Vabatsira vana vanoshaya

Kingstone Mapupu
SANGANO reCreating Better Futures (CBF)  iro rinobatsira vana vemhuri dzinotambura pamwe chete nenherera  rinoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwadzosera shure zvikuru mabasa ekusimudzira raramo yevana.

Mashoko aya akataurwa maMai Beverley Matondo avo vanova muvambi wesangano iri apo vaipa vana chikafu pachikoro cheChinhamora Primary School chiri kuDomboshava.

“Hatisi kuwana nguva izere nevana izvo zvinoita kuti ndinzwe kubatikana zvikuru. Musangano redu tine nyanzvi dzinotaura nevana vakasununguka apo tinonzwa magariro avo kudzimba zvichiburitsa kungava kushungurudzwa kana kuti vagere zvakanaka here. Zvino hapana zvatingazviite, chirwere chakauya chinoda kurwiswa chikundwe,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatisarure vana vatinobatsira asi kuti vanosarudzwa nevadzidzisi nevabereki nemakomiti eSchool Development Committee (SDC) kubva kuECD kusvika kumayunivhesiti,” vanodaro Mai Matondo.

Pamusoro pazvo, vanobatsira zvikoro nekuvamba mabhindauko emaoko sekupfuya tsuro, mbudzi nehuku.

Sadunhu Gwindi VaMick Guwa vekwaChinhamora, vanotenda sangano iri nekubatsira vana vemumhuri dzinotambura nezvekudya munguva yakaoma seino.

“Ndinotenda zvikuru sangano iri nekubatsira vana vedu nezvekudya nekuvabhadharira mari dzechikoro. Tinoti varambe vakadaro,” vanodaro sadunhu ava.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×