vabereki vane mibvunzo

Muchaneta Chimuka
MUKURU wechikoro cheChiveso Primary School icho chiri kwaMusana, kuBindura, pamwe nemutevedzeri wake vanonzi vakambomiswa basa nguva pfupi yadarika vachipomerwa mhosva yehuwori nekusafambiswa kwebasa zvakanaka. Mukuru wechikoro ichi, VaTapera Muza, nemutevedzeri wavo, VaRufaro Muzvonda, vanonzi vakambomiswa basa kwemasvondo maviri pachiongororwa kujeka kwemashandisirwo emari dzepachikoro ichi.

Sachigaro weSchool Development Committee pachikoro ichi, VaIsrael Madyira (43), vakatsinhira kuti vaviri ava vakambomiswa basa panguva iyo pari kuitwa ongororo (audit) maererano nemafambisiro avaiita mari dzechikoro.

“Vabereki vakanyora vachinyunyuta nemafambisirwo akange achiitwa mari dzechikoro. Isu sevamiriri vevabereki, takabva tasarudza kuti paitwe ongororo inova yakaitwa neBindura Rural District Council ikaratidza mashandisirwo emari pachikoro chedu,” vakadaro VaMadyira.

Zvimwe zviri mugwaro reongororo yaitarisa kubvira musi waNdira 1, 2014 kusvika Zvita 31, 2014, iro rakaonekwa neKwayedza, zvinoti pane kusajeka kwemafambisirwo edzimwe mari pasina kusainira pamarisiti kuti dzakashandiswa mabasa api.

Mari iri kuongororwa nezvayo inosvika US$261.
VaMadyira vakaudza Kwayedza kuti:

“VaMuza vakambenge vari mukuru wechikoro paThrams Primary vakazobvako nenyaya dzemari dzechikoro. Vachatodzoka kuchikoro nomusi waKubvumbi 1.

“Chinonyanya kutirwadza ndechekuti isu sekomiti itsva yeSDC, hatina masiginecha ekuti tikwanise kutora mari dzechikoro tichishandisa mabasa ekufambisa dzidzo, asi kuti ekomiti yakabva ndiwo achiri kushanda. Komiti yakabviswa ndiyo ichine masiginecha.”

Vanoti vabereki vari kugunun’una nemari yakashandiswa pakugadzirisa chikoro pachakambotorwa marata nemhepo.
“Mugore ra2013 pakasiya komiti yekutanga isu tichipinda, hapana audit yakaitwa kuitira kuti isu vatsva titange zvakanaka tichipihwawo mabhuku. Pakamboitwa muchato wemwana wemukuru wechikoro uyu, akabva atora nguruve inova chikamu chemabhindauko anofanira kuunza mari pachikoro, ndokuiendesa kumuchato zvinova zvisina kufadza vabereki.

“Pari zvino rimwe bhuroku rechikoro rakatsemuka asi hapana chiri kuitwa kuti rigadziriswe,” vakadaro. Mutevedzeri waVaMadyira, VaRishon Kaseke (51), vakati havasi kugutsikana neaudit yakaitwa nekanzuru yeko, nokudaro vari kutarisira kutsvaga vamwe vaongorori vakazvimiririra.
Kwayedza payakashanyira chikoro ichi nemusi weMuvhuro svondo rapera, yakaudzwa kuti mukuru wepo akange asipo uye mahofisi ake akange akavharwa.

“Mukuru wechikoro havapo pari zvino, pane vakafanobata chigaro, VaMaringe. Ndivo vanogona kukubatsirai pane zvamuri kuda,” akadaro mumwe mudzimai anoshanda pachikoro apa.

Zvisinei, VaMaringe havana kuda kutaura nevatori venhau vachiti havabvumirwe nemutemo webasa ravo.
“Handidi zvekutaura nemi, kana pane zvamunoda kutaura nezvechikoro chino endai munobvunza District Education Officer kwete ini,” vakadaro.

Kwayedza yakazoridzira nhare VaMuza naVaMuzvonda avo vasina kuda kubvuma kana kuramba nyaya yavaipomerwa vachiti munhu anokwanisa kutaura nezvayo ndiDEO weBindura.

“Ini ndiri kumasports kuTrojan Mine, fonerai DEO vanokupai zvese kuti zvakafamba sei,” vakadaro VaMuza.
VaMuzvonda vakatiwo havazivi nezvenyaya iyi.

“Fonerai DEO ini nditori kuchikoro asi ndiri pazororo rerivhi kwete rekuti ndakambomiswa basa,” vakadaro.
Zvakadaro, VaLeonard Mupunza, avo vanove DEO weBindura vakati vakange vasingadi kutaura zvakawanda nekuda kwenyaya iyi.
“Handina kusununguka kutaura nezvenyaya iyi nekuti vanhu ivavo havana kudzingwa asi kuti vangori pazororo. Zvizhinji bvunzai Provincial Education Officer (PED) nekuti ndiko kwatakaisa nyaya iyoyi,” vakadaro VaMupunza.

Pavakabvunzwa nemunyori uno nezvemhando yezororo iri, remukuru wechikoro pamwe nemutevedzeri wake panguva imwe chete, havana kuda kupindura sezvo vakangoti vari pazororo chete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×