VaDoma vosimudzirwa. . . vodzidziswa kuchengetedza nharaunda, zviwanikwa

Muchaneta Chimuka
VANHU gumi verudzi rwevaDoma — avo vanogara kuMbire, kudunhu reMashonaland Central — svondo rapera vakawaniswa zvitupa neveZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks) mushure mekupedza zvidzidzo zvemachengeterwo akanaka emhuka dzesango nechinangwa chekuti vange vachishandisa zviwanikwa zvemunharaunda kusimudzira raramo yavo.

Kuwaniswa kwavo zvitupa izvi kunofambirana zvakare nehurongwa hweHurumende hwebudiriro hunodaidzwa kuti Vision 2030 — uho hwakananga kupedza nzara uye huchiita kuti vanhu vawane mabasa zvigoita kuti nyika ino isimukire paupfumi.

Chirongwa chekuti vanhu verudzi rwevaDoma vapihwe dzidziso iyi chinotevera kushanya kwakaita mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa kuMbire gore rapera apo vakaona matambudziko avari kusangana nawo mukurarama kwavo.

Amai Mnangagwa vakaona zvakakosha kuti vanhu ava vadzidziswe kushandisa zviwanikwa zviri munzvimbo dzakavakomberedza munyaya dzebudiriro.

Vakawaniswa zvitupa zvemachengeterwo akanaka emhuka ava vaive pakati pevamwe 13 vanova vashandi veZimparks avo vakaitawo zvidzidzo zvimwe chetezvo.

Vose vakadzidziswa zvakadai sekushandiswa kwakanaka kwepfuti, kuronda mhuka, zvinoitwa mukurwisa, kuziva mepu, mutemo, kushandiswa kweredhiyo pamwe nekurwisa nyaya dzekuuraiwa kwemhuka zvisiri pamutemo, pakati pezvimwe.

Vachitaura pakupihwa kwezvitupa izvi kumuzinda weZimparks, muHarare, gurukota rezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika, Cde Prisca Mupfumira, vanoti kuwaniswa kwemabasa pamwe nekudzidziswa kwevanhu verudzi rwevaDoma gumi ava kuchabatsira mukubvisa nyaya dzerusarura pamwe nekuti vange vachibata mabasa ekuchengetedzwa kwemhuka nezviwanikwa zvemunharaunda dzavo.

“Vanhu verudzi rwevaDoma vairarama nekuvhima, kumora huchi, michero nekudya midzi yakasiyana. Saka nhasi uno Hurumende inoda kuvasimudzira raramo yavo kuburikidza nekudzidziswa kwavakaitwa kuti vapinde mumabasa anoita kuti vacherechedzwe nekusimudzirwa kwedunhu reMbire kuti rive nedhorobha kuKanyemba,” vanodaro.

Vanoti Hurumende ine hurongwa hwekunyorerana pasi chibvumirano chemushandirapamwe pakati peZimbabwe, Mozambique neZambia cheTransfrontier Conservation Area (ZIMOZA TFCA) senzira yekusimudzira nyaya dzekushanya, kuchengetedzwa kwezviwanikwa munzvimbo yeKanyemba nezvimwe.

“Zimparks iri kuedza kusimudzira upenyu hwevanhu verudzi rwevaDoma kuburikidza nekuvakurudzira kuti vange vari pamberi mukuchengetedzwa kwemhuka nezviwanikwa kuKanyemba pasi pechirongwa cheDande Safari neMbire CAMPFIRE,” vanodaro.

VaFulton Mangwanya – avo vanova director general weZimparks – vanoti kudzidziswa kwakaitwa vanhu verudzi rwevaDoma inzira yekuenzaniswa kwemikana pakati pavo nevamwe vanhu vose.

“Kuvapa mabasa uku kunofambirana zvakare nechirongwa chekuona kuti vanhu vanotambura vawaniswa mikana inosimudzira raramo yavo. Tinotori nechirongwa chatakatanga chemakore mashanu nekubura purofiti kuburikidza nekuvandudza mashandiro edu. Chirongwa ichi chakatanga gore rino uye chinosvika mugore ra2023,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×