Vadzidzisi munotipa manyemwe – Dinha

Daphne Machiri
VADZIDZISI vanorumbidzwa zvikuru nekuva nemoyo murefu pamwe nechido nebasa ravo svisinei nezvimhingamipinyi zvavanosangana nazvo mukushanda kwavo.Rumbidzo iyi yakaitwa svondo rapera kuShamva negurukota rinomirira purovhinzi yeMashonaland Central, Advocate Martin Dinha pakuvhurwa zviri pamutemo kwemuzinda wekuitira mabasa akasiyana ezvedzidzo, weEducation Complex.

“Ndinotenda vadzidzisi nekushingaira nemabasa enyu zvakare nekuva nemoyo murefu nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, zvisinei nematambudziko amuri kusangana nawo. Ndinoti rambai makadaro nekuva nemoyo pabasa zvinova zviri kusimudzira kupasa kwevana avo vanova vatungamiri venyika mangwana,” vakadaro Adv Dinha.

“Ndinotenda zvakare vemasangano akazvimiririra avo vakabatsira mukutengwa kwenzvimbo yekuvakira, mari nezvekuvakisa kwemuzinda uyu.”

Vakati muzinda uyu uchabatsira mune zvakasiyana zvinoenderana nedzidzo zvakaita semakwikwi evana mumitambo yakasiyana pamwe nemadhirama.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×