Vafi vozorora kuZororo

Kingstone Mapupu —
KWAVA nenzvimbo yemarinda itsva inodaidzwa kuti Zororo Memorial Park iri mumugwagwa unobatanidza Harare neChitungwiza.

Mukuru weZororo Memorial Park, Cde William Mutomba — avo vanova zvakare mumiriri weBuhera North mudare neNational Assembly — vanoti zvakakosha kuti vashakabvu vavigwe zvine chiremerera.

“Donzvo redu kuremekedza vafi nekuti vanenge vasara vanogutsikana kuti hama yavo yachengetedzwa kwete kurasa. Ndakaita kushevedzwa mubasa iri, panzvimbo yeZororo hatirase vanhu sezvinoitwa nyoka kana tadziuraya. Tinochengetedza vanhu muupenyu husingaperi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zororo ine zvikamu zvemakuva zvitatu zvinoti cheA neB neExecutive, uko vanhu vanogona kutenga nzvimbo yavo vogadzira voga vachibatsirwa nesu nekuzvivakira makuva zvavanoda — munhu otoziva paachavigwa.”

Nzvimbo iyi yakakura mahekita 70 uye inonzi inokwana makuva anosvika 270 000.

“Mitengo yemakuva edu inosiyana uye ikurudziro yedu kuti mhuri kana vemachechi, vemasangano akasiyana, vemakambani nevamwe vanoda kuvigwa panzvimbo yavo voga pasina kusangana nevamwe, vagare vatenga nzvimbo dzavo vokomberedza nekuvaka zvavanoda,” vanodaro Cde Mutomba.

Cde Mutomba vanoti vane hurongwa hwekuvaka dzimba dzekuti vanenge vasina misha yekuchemera hama neshamwari dzavo vanozoshandisa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×