Vahosi vapisira nyachide, murume mumba

Muchaneta Chimuka

NYAYA yeshanje pabarika inonzi yakakonzera kuti vahosi vapisire murume wavo pamwe chete nanyachide mumba nepeturu izvo zvakazoona mudzimai mudiki uyu achirasikirwa neupenyu hwake kuMudzi, kwaMutoko nguva pfupi yadarika.

Elizabeth Ponji ndiye ari kupomerwa kupisira mumba murume wake Peter Mudzengerere (30) apo aive nemudzimai wake mudiki Loveness Zinhu (18).

Zinhu akafa mushure mekupisirwa mumba apo Mudzengerere akakuvara zvakaipisisa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika apo Zinhu nemurume wake vakanga vari mubhedhuru mavo inova yakabatana nechitoro chavo.

“Mudzengerere akanga aine madzimai ake maviri, kusanganisira Zinhu, anova akashaya apo mumwe wemadzimai aya Elizabeth Ponji anonzi akavapisira mumba nepeturu paRwamba Business Centre mudunhu reMashonaland East. Aigara panzvimbo iyi neave mufi uyu uye nemwanakomana wake, Raphel Mudzengerere (6), asi ari mwana wemumwe mudzimai,” vanodaro.

Vanoti chitoro chavo chainge chakabatana nebhedhuru nokudaro vaitanga vapinda nemuchitoro vachizoenda kubhedhuru kwavo.

“Zinhu akapfekedza mwana uyu yunifomu, asi asati aenda, mwana uyu anonzi akaona Ponji achimwaya zvinhu zvakaita kunge mvura pasi muchitoro pamwe nepamusuwo webhedhuru rababa vake, zvinova zvinofungirwa kuva peturu iyo ainge akaisa mubhodhoro. Yakatanga kuyerera ichienda kubhedhuru kwababa vake. Mushure mezvo, Ponji akabva abatidza machisi akadzima pekutanga achibva aedza kubatidza rwepiri panova pakabva paita mazirimi emoto aiputika achienda mudenga iye achibva atangawo kutsva sezvo jasi raainge akapfeka rakabatira moto,” vanodaro Comm Nyathi.

Mwana uyu anonzi akamhanya achibuda kunze kwechitoro achibva atanga kudaidzira baba vake asi vakatora chinguva kuti vange vachibuda mubhedhuru umu.

“Pasina nguva, pakava neruzha rwekuputika kwemoto panova pakaonekwa Ponji achibuda muchitoro achimhanya akananga paMakaha Business Centre. Vamwe vavakidzani neveruzhinji vakanzwa Zinhu achichema achida kubatsirwa kuti abude. Vakabva vaenda ndokutanga kudira mvura imba iyi uye nechitoro kuti moto udzikame, ndipo pakabuda Peter Mudzengerere muchitoro achibva afenda, vachibva vabatsira kudzimura moto uyu nemabhaketi emvura. Mumwe murume anonzi Onward Right (27) wekuRwamba Business Centre, kuMudzi ndiye akazopinda mubhedhuru akabuda naZinhu uyo ainge atorasikirwa neupenyu achibva amutsveta pamberi pechitoro,” vanodaro.

Comm Nyati vanoti Peter akazoendeswa kuchipatara cheAll Souls Mission Hospital kunorapwa mushure ndokuzopfuudzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals uko akanopihwa mubhedha uye akakuvara zvakaipisisa.

Chengetai Mudzengerere akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP Makosa uye matikitivha eCriminal Investigation Department (CID Mutoko) vakaenda panzvimbo iyi kunoita ongororo.

Matikitivha akaona kuti mutumbi waZinhu wainge wakatsva zvakanyanya uchibva waendeswa kuMutoko District Hospital kunoongororwa nanachiremba.

Related Posts

‘Hatife takadzokera kuSouth Africa’

Sikhumbuzo Moyo ZVIMWE zvizvarwa zvemuZimbabwe zviri kudzoka kubva kuSouth Africa zvinoti hazvife zvakadzokera zvakare kunyika iyi, vachitsanangura kushungurudzwa kwakanyanya kwavakasangana nako izvo zvakazovamanikidzira kudzoka nechimbi-chimbi. Vanoyambira zvakare kuti mapurazi akawanda…

Murume wekurwiswa negarwe owora maoko ose

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati. Garikayi Chiweshe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×