‘Vaimbi dzidzai kuMorgan Heritage’

PUROMOTA weshoo yeMorgan Heritage — Kudzai Matondo — uyo anozivikanwa saDee Nosh we2 Kings Entertainment okurudzira vaimbi vemuno vemusambo wereggae kuti vawane zvavanodzidza apo panouya zvikwata zvekunze kwenyika.

Svondo rino chikwata cheMorgan Heritage chekuJamaica chemusambo weroots reggae chicharidza kuHarare International Conference Centre (HICC) chichitsigirwa naWinky D pamwe naOliver Mtukudzi.

“Vaimbi vemuno tinoda kuti vashandise mukana uyu kutaurawo neveMorgan Heritage vavake hukama hwakanaka vazopote vachifambawo navo kunze kwenyika kana kutsikisa vose nziyo.“Hongu, zvikwata zvekunze zvakaita seMorgan Heritage zvinouya zvichiridza muno asi hazvifanirwe kungofadza vatsigiri chete nekuti tinoda kuti vaimbi vawanewo zvavanodzidza kubva kwavari kana vachida kuti mhanzi yavo izofarirwa pasi rose sezvinoitwa yechikwata ichi,” anodaro.

Dee Nosh, uyo akabva kuronga shoo yeMafikizolo nguva pfupi yadarika, anoti sangano ravo re2 Kings Entertainment rakashanda zvakasimba kuti chikwata ichi chiuye muZimbabwe.

“Tanga tave makore tichiedza kuunza chikwata ichi asi zvamunongoziva Morgan Heritage chikwata chihombe cheroots reggae uye chine mukurumbira pasi rose,” anodaro.

Morgan Heritage inozivikanwa nenziyo dzayo dzine mukurumbira dzinosanganisira Don’t haffi dread, Tell me how come, Perfect love song uye She’s still loving me.

Chikwata ichi chakaumba nevana vashanu vemuimbi wereggae ane mukurumbira — Denroy Morgan — vanoti Peetah, Una, Gramps, Lukes, naMojo Morgan uyo anozivikanwa saMr Mojo.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *