Batanai yopinza vana chikoro

RIMWE boka remadzimai rekuMakonde District, kudunhu reMashonaland West, riri kubatsira vana nherera, vanobva kumhuri dzinoshaya nevanorarama neutachiona hweHIV neAIDS nemari dzechikoro nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

Boka reBatanai Group rine nhengo dzinosvika 42. Vatori venhau vemasangano akasiyana nguva yadarika vakashanyira boka iri vachitungamirirwa neNational Aids Council vachida kuona mabhindauko ariri kuita pamwe nematambudziko arinosanganikwa nawo.

Mutungamiriri waro, Mai Shylet Bakayi (25), vanoti pari zvino vari kubatsira vana vanodarika 20 vemunharaunda nemari dzechikoro, kuvatengera mayunifomu nezvimwe zvinodiwa pakudzidza.

Vanoti vanowana mari yekubatsira vana ava kubva mumabhindauko avanoita ayo anosanganisira kurima zvirimwa zvakaita semuriwo nematomatisi mubindu ravo vachitengesa.

“Pari zvino tiri kubatsira vana vanodarika 20 nemari yechikoro, kuvatengera mayunifomu pamwe nezvimwe zvinodiwa kuchikoro. Vana ava vanosanganisira nherera, vanorarama neHIV neAids nevamwe vanobva kumhuri dzinotambura,” vanodaro

Mai Bakaya vanotizve kunze kwekutsigira mudzidzo yevana ava, vari kubatsira zvakare pachirongwa chekupihwa kwevana zvekudya muzvikoro nekutengesera zvirimwa zvavo kuzvikoro zvakavapoteredza.

Zvisinei, vanoti vamwe vevana vavari kubatsira avo vanorarama neutachiona hweHIV neAIDS vari kusangana nematambudziko ekushomeka kwezvekudya izvo zviri kukanganisa dzidzo yavo sezvo vanopedzisira vorovha kuchikoro.

“Vamwe vevana vatiri kubatsira ava vanorarama neutachiona hweHIV vanobva kumhuri dzinotambura zvakare nekudaro zvekudya zvinenge zviri zvishoma uye vanofanirwa kunge vachinwa mapiritsi emaARV. Izvi zvinoita kuti vana vakadai vapedzisire vatadza kuenda kuchikoro izvowo zvinokanganisa fundo yavo.

“Nekudaro tinokumbirawo rubatsiro kune vanokwanisa kubatsira,” vanodaro. Mai Bakaya vanoti kunze kwebhindauko rekurima, madzimai emuchikwata chavo vanokweretesana mari iyo inozodzorwa yati wandei zvishoma pasi pechirongwa chavanodaidza kuti “mukando”.

Vanoti rimwe dambudziko ravari kusangana naro nderekudhurirwa nemagetsi sezvo zvirimwa zvavo zvemubindu vachiita zvekudiridzira. Mai Bakaya vanoti kazhinji vanenge vachifanirwa kubhadhara $200 pamwedzi yemagetsi inove mari yakawanda kana vachitarisa yavanowana mushure mekutengesa zvirimwa zvavo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *