Vaimbi vari kusimukira votsigirwa

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo wechitendero — Jonathan Siasitumizira — anoti zvakakosha kutsigira vamwe vaimbi vari kusimukira nechinangwa chekuti indasitiri yezvemimhanzi ibudirire munyika muno.

Siasitumizira — uyo anonyanya kuzivikanwa saMr Chinhoyi kana kuti Madzibaba Gina — anoti ari kuronga dopiro revaimbi vari kusimukira avo vachange vachiridza nemusi weMugovera uno  kuChinhoyi pamabiko eGogo Veneka Gala.

Vaimbi vachiri kusimukira vanodarika 10 vemisambo yakasiyana vachaungana paPote Village 10, kuChinhoyi apo vacharidza husiku hwese kutanga masikati vachitandadza vatsigiri vemhanzi nechinangwa chekuratidzira matarenda avo.

Siasitumizira anoti shuviro yake kuti vaimbi vari kusimukira vasvike padanho rave nevamwe vane mukurumbira vakadai saAlick Macheso.

“Isu tiri kuedza kupa vamwe vaimbi mukana wekuti vasvike padanho rave nanamukoma Alick Macheso nevamwe.

“Mazuvaano indasitiri yemhanzi iyi iri kurema nekuti mikana yacho yekupihwa mashoo haisi kuwanikwa sezvo mapuromota mazhinji vachida vanhu vane mazita makuru. Saka ini ndiri kuzama kuti ndiwanise vamwe vangu mukana nekuti ndinoziva kurwadza kunoita magitare kana uchisimukira,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Saka tichange tichirova magala akaita saatakaronga neMugovera kuti tipe vamwe vaimbi mukana wekusimukira,” anodaro.

Muchinda uyu – uyo anoimba nziyo dzechitendero asi achikwenya nemusambo weSungura – anoti hapana chakashata chaanoona sezvo achishandisa misambo miviri iyi kuparidza shoko raMwari.

“Vanhu vanogara vachibvunza kuti sei ndichiimba mhanzi yechitendero ndichikwenya Sungura, apa ndiri madzibaba. Ndinoti mhanzi chipo chinobva kunaMwari uye kuridza Sungura ndichiimba nziyo dzechitendero kuedza kuparidza kuti shoko risvike kumunhu wese,” anodaro Siasitumuzira.

Vamwe vaimbi vacharidza pagala iri vanosanganisira iye Siasitumuzira, General Starman, Mutumwa Simarungu, Chesa Express, Takesure Chikukwa, Jambo Brothers, Bongori Fire, Link Fox naLink Fox.

Related Posts

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Kurai orumbidza Macheso

Trust Khosa KURAI MAKORE orumbidza nyanzvi yemusambo wesungura, Alick Macheso, achimuti munhu akapfuma neruzivo neuchenjeri. Anotizve ruzivo rwaMacheso runofanira kushandiswa zvizere nevaimbi vechidiki. Mutungamiri wechikwata cheBlack Lions Band, uyo achangodzoka…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *