‘Ndinokurovera kuita chipfambi’

Tatenda Shuro
MUDZIMAI wekuTafara, muHarare, akachema-chema mudare achiti anzwa nekurohwa nemurume wake achimupomera kuita zvikomba.

Abigail Kadawata akamhan’arira Chinembiri Kaombe kuHarare Civil Court.

“Uyu murume wangu, asi anondirova zvakanyanya izvi zvava kundishaisa rugare. Akatombondibatira demo ndokutema mahwindo. Ndakamhan’ara kumapurisa asi havana kusungwa nokuti aive manheru uye pakashaya aikwanisa kutora musungwa nokuda kwekuti mapurisa aivepo aive maviri. Ndave kuda gwaro redziviriro nekuti ndanzwa nekurohwa,” anodaro.

Kadawata anoenderera mberi achiti, “Vanenge vachifungidzira kuti ndiri kuita musikanzwa yekuita zvikomba semaonero angu izvo zvinoita kuti vaite semaitiro avanoita aya sezvo ndichiendawo kubasa saivo.”

Achipawo divi rake, Kaombe anoti anogara achinetsana nemudzimai wake nekuda kwenyaya yekuita zvikomba.

“Izvozvi mambo wangu nditori neumboo huzere pamusana pezvikomba zvake. Pane wandakabata anonzi Ernest Muzanenhamo, nditori nenhamba dzake dzenhare. Mumwe Ignatious ndakatoona mameseji munhare yake uye ndizvo zvinoita kuti ndimurove nokuti ndiri kurwadziwa kuti munhu wandiri kugara naye ondiitira hupombwe,” anodaro.

Anoti haatevere mukadzi wake kubasa.

‘’Paanoti ndinomuteverera kubasa anoreva nhema nekuti handitoendeko, asi pandakamurova hangu dzainge dziri hashawo hadzo,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Kadawata gwaro redziviriro.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *