Vaimbi vechidzimai ngavatsigirwe: zimu

Daphne Machiri
Sangano reZimbabwe Musicians’ Union (ZIMU) rinoti vanhukadzi vari muindasitiri yekuimba vanofanira kupihwa mikana yakaenzana nevanhurume sezvo vazhinji vavo vachisangana nezvimhingamipinyi zvakasiyana izvo zvinosanganisira kushaya vakotsveri.

Muhurukuro nemukuru weZIMU, Edith weUtonga- Kajiti, anoti vanhukadzi vakawanda vari kumbunyikidzwa muindasitiri yemimhanzi.

“Takaona zvakakosha kuti vanhukadzi vawane vanovamiririra zvakare nekuti vazive kodzero dzavo mumabasa avo avanoita ezvekuimba nekuridza magitare. Donzvo redu nderekusimudzira vanhukadzi kuti veruzhinji vavagashire sezvavanoita kune vechirume vanoita zvekuimba,” anodaro.

Anoti vanhukadzi vari kusangana nedambudziko rerusarura sezvo vamwe vakotsveri vasina chido chekuvatsigira mubasa ravo.

“Mikana inorerekera kuvaimbi vechirume nekuti kana makambani makuru chaiwo anopa vanhurume mikana mizhinji yekusimudzira basa ravo. Saka isu tiripo pakuti izvi zvitariswe, zviongororwe vanhukadzi vapiwewo mikana yekuratidza mabasa avo ekuimba nekudandaura magitare,” anodaro Weutonga-Kajiti.

Anoti vanhukadzi vanosanganawo nematambudziko ekumbunyikidzwa munyaya dzerudo pabasa ravo.

“Vamwe vanhukadzi vanosangana nezvakaita sekumbunyikidzwa rudo kana bonde kuti vapiwe mukana wekutaridza basa ravo nemakondirakiti ane mari. Izvi zvinhu zvisina kunaka uye zvinotishungurudza naizvozvo isu tiripo pakuti zvigadzirirswe,” anodaro.

WeUtonga-Kajiti anoti chishuwo chesangano ravo kuti vanhukadzi vasimukire mumhanzi vaite mukurumbira munyika muno nekunze.

“Iye zvino takabva kumusangano kunyika yeTanzania uko kwaiongororwa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume muindasitiri yekuimba. Donzvo remusangano uyu raive rekutsvaga mazano ekuti vanhukadzi vasimukire uye kuti veruzhinji vatambire mimhanzi yavo sezvinoitwawo yevanhurume,” anodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×