Raymond Jaravaza
MAPURISA ekuBulawayo akasunga mumwe murume nemukadzi nemhosva yekubika doro rinonyanya kuzivikanwa nekunzi ‘njengu’ pamuzinda wavo uyo usina kunyoreswa zviri pamutemo pakati peguta iri.
Murume nemukadzi uyu vakavharirwa mutirongo pakamba yeDrill Hall Police Station vachimirira kuti vazoendeswa kumatare edzimhosva.
Mapurisa akawana midziyo yepamusoro-soro, inonzi yaishandiswa kubika doro zvisiri pamutemo nevaviri ava pamwechete nemadhiramu mana aive nemarita 800 e‘ethanol’, mazana nemazana emabhodhoro akazara nedoro raive rabikwa, masitika (stickers) ekushambadza doro iri nemamwe mabhodhoro asina chinhu.
Murume nemukadzi uyu vakasungwa vari kudzimba dzemudurikidzwa panosangana mugwagwa Josiah Tongogara na2nd Avenue nemusi weChitatu.
Mamiriro ezvinhu aya anotaridza kuti vasungwa ava vaibika doro iri uye vachizoritengesa kunzvimbo dzakawanda.
Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Nomalanga Msebele, vanoti mapurisa akaenda panzvimbo iyi mushure mekunge vanyeverwa neveruzhinji.
“Statutory Instrument (SI) 62 of 2025 inorambidza kubikwa kwezvinwiwa pachinyanya kushandiswa ethanol uye nekuda kwemutemo uyu, chikwata cheZRP (Zimbabwe Republic Police), Bulawayo Province chakanyeverwa apo chaive pabasa kuti pane vanhu vaive nemuzinda pakati peguta vaibika doro zvisiri pamutemo,”
vanodaro Insp Msebele.
Vanoti mapurisa akabva aenda panzvimbo iyi ndokuona pamba paiitwa mabasa asiri pamutemo aya.
“Mapurisa akanyeverwa uye paakaenda akasvikoona madhiramu mana epurasitiki aive akazara ne‘ethanol, mabhodhoro emhando dzakasiyana-siyana dzedoro kusanganisira gin pamwe chete nemidziyo yaishandiswa kubika doro iri iro rinonyanya kuzivikanwa nekunzi ‘njengu’ zvisiri pamutemo,” vanodaro.
Vasungwa ava vanonzi vakakundikana kutaridza magwaro anovapa bvumo yekubika doro iri pamwe chete nekuritengesa.




