Vakachererwa chibhorani neChina Aid

Vamwe vana vekuMbire vachichera mvura pachimborani nguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka
Vamwe vana vekuMbire vachichera mvura pachimborani nguva pfupi yadarika. – Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe vagari veko.VAGARI vekunzvimbo yemabhizimisi yeMahuhwe, kwaShe Chitsungo, kuMbire, avo vange vakatarisana nedambudziko remvura yekushandisa pamwe neyezvipfuyo vachabatsirikana zvichitevera chibhorani chakacherwa nesangano rakazvimirira reChina Aid.

“Nzvimbo ine mabhizimusi ino yakakura asi pange pasina mvura yekunwa saka vanhu, mhuka dzesango nezvipfuyo taingosangana kurwizi uko taichera mifuku zvinova zvisina utano. Kucherwa kwechibhorani ichi kwabatsira kuti tiite mabhindauko edu zvakanaka. Sezvamunoona, tine mabhizimusi anoita nezvenyama, kubika nezvimwe zvinoda mvura inomhanya yemupombi,” vanodaro Mai Tatenda Mwendera (35) avo vane bhizimisi uku.

VaJoseph Garapasi (65) vanotiwo kudai vamwe vatsigiri vabatsira kusimudzira nzvimbo yavo nekuti ichakasaririra shure.

“China Aid yabatsira zvikuru nekuti muno munopisa kunyangwe munguva yechando saka vanhu nemhuka vanoda kugara vachinwa mvura. Mvura yemurwizi haina utano nekuti iri mumasango anoitwa zvimbuzi nevamwe saka kunwa tsvina bedzi.

“Tinongochema kuti zvibhorani zvacho zvishoma nekuti nzvimbo ino yose ndichochi bedzi chibhorani kureva kuti kana chikafa panoita dambudziko,” vanodaro.

Tendai Zingizi (25) anoti madzimai nevanasikana vari panguva yakaoma apo vanofamba nzendo refu kunochera mvura.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×