DeMbare yorusimudzira

Richard Chihoro
Richard Chihoro

KUNENGE kune makuwerere svondo rino kunhandare yeRufaro Stadium, muguta reHarare apo Dynamos iri kusangana neNgezi Platinum mumutambo wePremier Soccer League. Svondo radarika, pakave nekusuwa kukuru zvichitevera kushaika kwakaita vatsigiri vanonwe veDynamos munjodzi yemumugwagwa apo vaienda kumutambo wechikwata ichi neChapungu United.

Chiitiko ichi chakakatyamadza nyika yose zvakaita kuti zvikwata zvose pamwe nemasangano akasiyana vabatane mukuchema nemhuri yeDynamos FC.

Maneja weDynamos, Richard Chihoro, anoti kushaika kwakaita vatsigiri vavo munjodzi iyi kwakavasuwisa zvikuru.

“Parizvino chikwata chedu chiri kubatsira kuti vashakabvu vose vavigwe zvakanaka,” anodaro Chihoro.

DeMbare inoda kusimudzira kubva payakasira svondo radarika apo yakakunda Chapungu United 2-1 nekukunda Ngezi Platinum svondo rino.

 

Bulawayo City vs Harare City

Moses ‘Bambo’ Chunga akatanga zvinonwisa mvura basa rake idzva apo akatungamira Harare City kukunda Ngezi Platinum svondo radarika.

Bambo akapihwa mutoro wekutungamira maSunshine City Boys kuti apedze ari muzvikwata zvitatu zvepamusoro mwaka uno, kana achida kuwedzerwa imwe kondirakiti kuchikwata ichi.

Asi, Bulawayo City — iyo yakapinda muPSL mwaka uno — iri kutamba nhabvu inodakadza. Pamitambo yayo mipfumbamwe yayatamba, yakwanisa kuhwina mitatu ndokuita mangange mishanu, ikakundwawo mumwe chete uye iri pamusoro peHarare City, Dynamos FC, Chicken Inn neHow Mine palog.

ZPC Kariba vs Tsholotsho

Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa paakapinda panyanga kuZPC Kariba akatanga nekumbotatarika asi iye zvino chikwata chake chapinda mugiya dzvuku chairo.

ZPC ndiyo yakaita yekutanga kukunda FC Platinum mushure mekunge chikwata ichi chatamba mitambo 28 chisina kumbokundwa izvo zvakatuma murairidzi weFC Patinum, Norman Mapeza, kuti arumbidze basa riri kubatwa naMhofu kuKariba achiti vagona kurwira mukombe gore rino.

Mutare City vs CAPS United

Kepe-kepe yakatadza kushandisa mukana wekukundwa kweFC Platinum neZPC Kariba kuti iende pamusoro pelog zvichitevera kuita mangange kwayakaita neTriangle United.

Svondo rino ine mukana wekugadzirisa payakakanganisa vhiki radarika apo ichasangana neMutare City.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×