Vakadzi 2 dhuma kumendenenzi

Hardway Nyakuwarwa
SHASHA yekusadarikwa nemadhirezi yakazoshaya pekupinda apo vakadzi vayo vaviri, avo vakange vasingazivane, vakadhumana padare vachida mari yekuchengeta vana. Nyana Sepe naSandy Tanazia vakaendesa Kasim Sepe kuHarare Civil Court vachiti haasi kuriritira mhuri yake. Nyana ndiye ane nyaya yakatanga kupinda mudare apo akati aida $765 pamwedzi yevana vashanu vaakaita naKasim.

“Ndasvitswa kuno nekuda kwababa ava vasiri kuriritira vana vedu vashanu. Murume uyu ini handigari naye sezvo achigara kuHarare ini kuMacheke. Anotambira mazakwatira emari inosvika churu chemadhora mwedzi woga-woga,” akadaro Nyana. Kasim akakumbira dare kuti mari iyi idzikiswe kusvika pa$740 pamwedzi achiti aidawo kuzosara neimwe yekufambisa. Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chake ndokuti abhadhare $740 pamwedzi.

Kasim asati abva pamberi pedare iri, zita rake rakabva radanwa zvekare sezvo akange amhan’arirwawo naTanazia uyo aida $200 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo. “Changamire wangu, murume uyu haacheuki mwana wake kana papi zvapo nekudaro ndinokumbirawo kuti ndiwane mari yandareva nekuti anotambira $1 500 pamwedzi,” akadaro.

Kasim akati akange asingatambire mari yairehwa naTanazia.
“Mari yarehwa ini handiizive nekuti ini ndine rugwaro rwunotaridza mari yandinowana pamwedzi, zvekare ndine vamwe vana vatanhatu, mari yandinokwanisa kumupa i$50 pamwedzi,” akadaro.

Mutongi Nyatsanza akati Kasim abvise $65 pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×