Vakaremara, nherera vobatsirwa

RIMWE sangano rakazvimirira rekuMarondera riri kusimudzira upenyu hwevana vakaremara, nherera neavo vanobva mumhuri dzinoshaya kuburikidza nekuvadzidzisa mabasa emawoko ayo anozovapa raramo mune ramangwana.

Muhurukuro nemukuru wesangano reKukura Neshungu, Mai Tabeth Sibanda, avo vanove institute superitendent, vanoti chishuwo chavo chikuru ndechekuti vana ava vawaniswe mikana yakaenzana nevamwe vavo.

“Takavamba sangano redu nechinangwa chekubatsira vana vakaoma mitezo pamwe nevanorasika njere nekuti vanhuwo vakangoita sezvatakaita,” vakadaro Mai Sibanda.

“Tine chikoro chatinovadzidzisa zvakasiyanam, kubvira pakutanga kuti vagone kuzvigezesa miviri yavo, pamwe nemabasa emawoko akaita sekurima muriwo nezvimwe zvirimwa izvo zvatinotengesa munharaunda yeMarondera. Mari yatinowana tinovatengera chikafu nezvekupfeka.”

Vanoti vana ava vanodzidziswa zvakare kuverenga nekunyora pamwe nekuita mitambo.

“Tine zvikoro zvatinovaendesa kuti vanodzidziswa zvemitambo sekuPeter House neMonte Cassino, uko vanoenda vhiki rega-rega vachinoita mitambo yakaita sebhora nekumhanya,” vakadaro Mai Sibanda.

“Izvi tinozviitira kuti vasangane nevamwe, vanzwe kufara pamwe nekuzvitambira zvavari muhupenyu uye kuti vazive kuti vakafanana nevamwe vese.

Kuremara hazvirevi kuti havasi vanhu kana kuti havana zvavanokwanisa, kwete.

“Zvimwe zvatiri kuvadzidzisa kuti vasiyane nemweya wekukumbira-kumbira zvinhu kuvanhu, munhu ngaazvishandire,” vakadaro.

Vanoti kunze kwevana vanouya kuchikoro chavo ava, vanofambawo mudzimba vachibatsira vamwe vane matambudziko akasiyana.

“Vamwe tinovafambira kudzimba zvinoita kuti pave nehukama hwakanaka. Tinovatengera zvekushandisa zvakaita sezvekudya nenhumbi dzekupfeka,” vakadaro Mai Sibanda.

Vakatenda makambani nemasangano anovatsigira kuti basa ravo rifambe zvakanaka akaita seProton Bakery, iyo vanoti inovapa chingwa mazuva ose nechipatara cheMarondera Hospital nekurapa pachena vadzidzi vavo kana vachinge varwara.

Mai Sibanda vakatendawo bazi rinoona nezvekutongwa kwematunhu, mabasa eruzhinji nekuvawaniswa kwedzimba nekuvapa kwarakaita nzvimbo ine mahekita 28 yekuti vavake chikoro chakakura chekubatsira vana ava.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×