‘Dzako ishanje, ini ndakangodiwawo’

Yvonne Chipato
GODO repabarika pakati pavahosi nanyachide rakazovasvitsa kudare apo mukadzi mukuru aiti akange ashaiswa rugare nekufurufushwa.
Doreen Njenje akamhan’arira Getrude Zimuto kuHarare Civil Court achiti aoneswa chakati tende.

“Mwana uyu andishaisa rugare, haana kana ruremekedzo neni. Anouya kumba kwangu achindituka mashoko anonyadzisira pamberi pevana vangu nevavakidzani.

“Anogara achinditumira mashoko anonyadzisira pafoni yangu uye ndatouya nefoni yangu seumboo mudare. Amai vake chaivo ndikasangana navo vanondituka, havana basa nekuti munzira muzere vanhu.

“Mushure mekunditorera murume wangu anouyazve kumba kwangu kuzondishungurudza. Handidi kana kumuona pamba pangu, handidi kuti andifonere, ngaandisiye nemhuri yangu kunyangwe akandiona munzira ngaasataure neni ” akadaro Njenje. Zimuto akapikisana nemashoko aitaurwa naNjenje.

“Mambo wangu ndine kodzero yekuenda kumba kwavo kana murume wangu asisauyewo kwandiri. Ndakaendako kamwe chete bedzi ndichida mari yerendi pamwe chete neyechikafu kubva kumurume wangu sezvo vainge voda kugara naye vega asi vachinyatsoziva kuti tiri pabarika.

“Handipikise kuti vapihwe chikumbiro chavo asi ini handivatuke zvakare amai vangu havana kana kutaura naye asi iye ndiye ane shanje nekuda kwekuti ndakadiwawo nemurume wake,” akadaro.

Mutongi Babra Masinire akapa Njenje gwaro redziviriro akati vaviri ava vanofanira kugara murunyararo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×