Vakaremara vari kubatsirwa

Abel Ndooka

Vanhu vakaremara mitezo vanogara mumusha weDzivarasekwa, muguta reHarare, vari kuwaniswa hupfu kuburikidza nechirongwa chiri kuitwa nesangano rakazvimirira reThe Faith, Love and Hope Community Trust rakabatana nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB).

General manager wesangano iri, VaTerence Nyamazana, vanoti vanhu vakaremara upenyu hwavo hwakanganisika zvikuru panguva ino apo nyika iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vanoti vakaremara vazhinji vavo vanorarama kuburikidza nekutengesa zvinhu zvakasiyana izvo zvisiri kukwanisika kuitika pari zvino nekuda kwemitemo yakadzikwa neHurumende yekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi.

“Kuuya kweCovid-19 kwakashandura zvinhu zvakawanda munyika uye vakaremara vamwe vevanhu vakakanganisika upenyu hwavo zvikuru. Vazhinji vavo vairarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana vachiwana tumari, asi iye zvino havachina dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari. Saka isu sesangano hativasiye uye tinoramba tichirwira kodzero dzavo,” vanodaro.

FLHC ine nhengo dzinodarika 100 uye svondo rino 87 vavo vari kuwaniswa hupfu hwakatengeserwa sangano iri neGMB nemutengo wakaderera.

VaNyamazana vanoti nhengo dzavo mwedzi woga-woga dzinowanawo mari kubva kuHurumende pasi pechirongwa chekubatsira vanoshaya.

“Vakawanda venhengo dzedu vari kurarama nemari inobva kuSocial Welfare, asi tichitarisa kudhura kwave kuita zvinhu muzvitoro, mari iyi haichavakwanira. Saka isu ndipo takazonyorera kumakambani akasiyana tikadairwa neveGMB vakatitengesera hupfu nemutengo wakanaka chaizvo,” vanodaro.

VaNyamazana vanoti zvakakosha kuti vakaremara vapindewo muzvirongwa zvakasiyana zvekusimudzira nharaunda dzavanogara.

“Sevanhu vakaremera, tinokumbira kuti pazvirongwa zvose zvinoitwa zvebudiriro munharaunda dzatinogara tinge tirimowo, tisasiiwe. Tinoda kupawo pfungwa dzedu maererano nenyaya dzebudiriro,” vanodaro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×