Vakavaka chikoro nemari yedoro

Conrad Mupesa
CHIKORO chesekondari chakavakwa nemari yelevy yakabva pakutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko ekanzuru yeChinhoyi chakatanga kutora vadzidzi veFomu 1 neFomu 2 pakavhurwa temu ino.

Mamwe magwaro eFomu 3 neFomu 4 achatanga gore rinouya.
Mutauririri wekanzuru yeChinhoyi, VaTichaona Mlauzi, vanoti chikoro cheKubatana Secondary School chakavakiswa nemari yelevy inobva mukutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko anoitwa nekanzuru iyi.

Chikoro ichi chakavhurwa pamwe chete nezvimwe zvikoro munyika chiine makirasi mana eFomu 1 nemamwe mana zvakare eFomu 2.

“Kubatana Secondary School, iyo yakavakiswa nemari yelevy inobva pakutengeswa kwedoro nemamwe mabhindauko anoitwa nekanzuru, ichabatsira mukuderedza huwandu hwevana vari kudzidza paNemakonde High avo vange vakawandisa kwemakore adarika,” vanodaro.

VaMlauzi vanoti Hurumende yakabatsira zvikuru mukuvakwa kwechikoro ichi icho chakavakwa nemari inokosha $1,6 miriyoni.

Kanzuru yeChinhoyi yakaunganidza mari inosvika $1.6 miriyoni apo Hurumende, kuburikidza nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, yakabatsira nemapombi anofambisa mvura, neanofambisa tsvina nezvimwe zvinodiwa zvinokosha $400 000.

Kubatana Secondary, vanodaro VaMlauzi, yakavakiswa zvichitevera chikumbiro chebazi redzidzo chekuti pave nechimwe chikoro chesekondari nedonzvo rekudzikisa huwandu hwevana vanodzidza paNemakonde High.

“Nemakonde High School chikoro cheHurumende, change chiine vana vakawandisa.
“Saka bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rakaisa chikumbiro kukanzuru yeChinhoyi, iyo inofanirwa kunge ichiona nezvekuvakwa kwezvikoro zvepuraimari, kuti ivakewo chikoro chesekondari.

“Takatambira nemaoko maviri chikumbiro chebazi iri sezvo tiine hukama hwakanaka nevemunharaunda uye chikoro ichi chave chechisere pane izvo zviri pasi pekanzuru.”

Kanzuru yeChinhoyi inoona nezvekufambiswa kwebasa pazvikoro zvitanhatu zvepuraimari nechimwe chesekondari chiri munzvimbo yaimboitwa zvezvicherwa yeAlaska.

Kubatana Secondary School chikoro chechipiri chesekondari chiri pasi pekanzuru iyi.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *