Zvikoro zvitsva zva2020

Tanyaradzwa Rusike
HURUMENDE iri kutarisira kuvakisa zvimwe zvikoro 10 papurovhinzi yega gore rino nechinangwa chekuderedza kushomeka kwazvo sezvo kuri kudiwa zvimwe 3 000 zvepuraimari nesekondari munyika yose kuitira kuti zvikwanirane nevana.

Gore radarika, Hurumende yakavakisa zvikoro 18 mumapurovhinzi masere, kozoti mamwe mapoka akazvimirira akavakawo zvikoro 150.

Kuvakwa kwezvimwe zvikoro kuri kutarisirwa kuderedza huwandu hwevana vachadzidziswa naticha mumwe chete kubva pa60 kuenda pa35.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, VaJohn Dewah, vanoti Hurumende yakaisa padivi mari inosvika $400 miriyoni yekuvakisa nekuvandudza zvikoro mugore ra2020.

“Gore radarika, takakwanisa kuvakisa zvikoro 18 kumapurovhinzi masere enyika,” vanodaro.
“Gore rino, tiri kutarisira kuvakisa zvikoro 10 kumapurovhinzi ose tichibatsirwa nevabereki, machechi, masangano akazvimirira akadai sePlan International uye vanhu vakazvimirira nemakambani akasiyana.”

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, vanoti bazi ravo richaona kuti koreji imwe neimwe inodzidzisa varairidzi yavakisa chikoro chimwe chete chepuraimari.

“Sebazi, tinoda kuti fundo yemuno ibudirire saka kuti zviendeke, tinofanirwa kuona kuti kushomeka kwevarairidzi kwagadziriswa.

“Zvinoreva kuti tinofanirwa kutanga kuvakisa zvikoro uye tiri kuti gore rino makoreji anofundisa varairidzi anofanirwa kuvakisa chikoro chimwe chete,” vanodaro Prof Murwira.

Mutungamiri wesangano rinomirira maticha reProgressive Teacher’s Union of Zimbabwe (PTUZ), Dr Takavafira Zhou, vanorumbidza danho riri kutorwa neHurumende rekuvakisa zvimwe zvikoro.

“Tinogamuchira nemaoko maviri danho riri kutorwa neHurumende rekuvakisa zvimwe zvikoro nekuti zvakashomeka zvikuru munyika,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×