Vakawanda vari kupona Covid-19

Rumbidzayi Zinyuke

ZIMBABWE iri pakati penyika dzemuAfrica dzine vanhu vakawanda vari kupona kuchirwere cheCovid-19 kuburikidza nekutora matanho akasimba ekumisa kupararira kwedenda raparadza pasi rose iri.

Kusvika nemusi weMuvhuro uno, Zimbabwe yange yava nevanhu 7 298 vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19.

Pavarwere ivava, 5 455 vakatopona asi vamwe 210 vakafa.

Sachigaro weCovid-19 Inter-ministerial task-force, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri – avo vanovazve gurukota rekudzivirirwa kwenyika nevarwi vehondo yerusununguko – vanoti zvisinei nezvimhingamipinyi zvakawanda zviri kusanganikwa nazvo muchikamu chezveutano, Hurumende yakazvipira kuramba ichirwisa kupararira kwechirwere ichi.

“Tine vanhu vakawanda vari kupona kubva kuchirwere ichi muZimbabwe uye izvi zvinofadza,” vanodaro.

“Matanho atiri kutora ari kubatsira zvikuru. Hurumende kudai isina kupindira nechimbi-chimbi vanhu vakawanda vaifa nechirwere ichi. Asi chikamu che80 percent chevarwere ava vari kupona uye nyaya dzatinadzo dzakawanda hadzisi dzevanhu vari kurwara zvakanyanyisa.

“Chikamu che3 percent chete ndicho chine vari kunyanya kurwara asi ivava vari kupona zvakare.

“Hatifanirwe kuvarairwa asi kuramba tichitevedzera matanho ekumisa kupararira kwechirwere ichi.”

Vanoti Hurumende iri mushishi yekuona kuti vanhu vakawanda vavhenekwa Covid-19 muzvipatara zvisinei nedambudziko revashandi vezveutano riripo.

Vashandi vari pamberi munyaya yekurwisa chirwere ichi vanofanirwa kuramba vachivhenekwa nguva nenguva pamwe chete nekuwaniswa midziyo yekushandisa kuitira kuti vachengetedzeke pavari pabasa ravo, vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.

Vanoti kutyorwa kuri kuitwa mutemo nevanoita zvemashabhini uye vedzimotokari vanotakura vanhu zvisiri pamutemo kana kuti vemushikashika kunofanirwa kugadziriswa sezvo izvi zviine njodzi yekudzorera shure budiriro yaitwa pakurwisa Covid-19.

“Tinonzwa kuti vanhu vachiri kuvhura mabhawa avo uye mashabhini ari kuitwa mumisha,” vanodaro.

“Kunyangwe parufu, vanhu havazi kukoshesa nyaya dzekuti vasaite chitsokotsoko sezvo tiri kuona vakawanda vachiungana.

“Vanhu vari kuita nzendo pakati pemaguta uye vari kushandisa mushikashika nemakombi ave kufamba zvakare. Vanhu havazi kutevedzera mitemo yakatarwa uye izvi zvine njodzi yekutapurirana chirwere ichi. Tinofanirwa kukurukura setask-force kuti tingaite sei kugadzirisa mamiriro ezvinhu aya,” vanodaro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×