Matanho anyevenutswa

Munyori weKwayedza

VANHU vemuZimbabwe vari kubva kunze kwenyika vanenge vavhenekwa hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mukati memaawa 48 vasati vadzoka muno, kubvira nemusi weChishanu chadarika vari kutenderwa kuenda kudzimba dzavo vonozvichengetedza pavo voga kana vachinge vawanikwa vasina denda iri.

Pamusoro pezvo, avo vane magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa ndokuonekwa vasina coronavirus munzvimbo dzavanenge vakachengetedzwa (quarantine centre) vari kutenderwa kuenda kudzimba dzavo zvakare.

Apo zvikoro zviri kugadzirira kuvhurwa kuitira vana vachanyora bvunzo, pane matanho ari kutorwa akananga kuona kuti kambani yeZupco ine mabhazi akakwana ekutakura vadzidzi nevarairidzi.

Izvi zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa nemusi weMuvhuro mushure memusangano weCovid-19 Inter-ministerial taskforce.

“Taskforce yakaziviswa kuti kutanga nemusi wa4 Gunyana 2020, vose vari kubva kunze kwenyika vane magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa Covid-19 mukati memaawa 48 vasati vadzoka muno vari kubvumidzwa kupfuurira kudzimba dzavo pavanopinda pamuganhu wenyika sezvakataurwa neCabinet,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti avo vari kudzoka vasina magwaro anoratidza kuti vakavhenekwa chirwere ichi vari kuendeswa kunzvimbo dzavanovhenekwa vachiongororwa utano hwavo uye vozobvumidzwa kuenda kudzimba zvichienderana nemamiriro ezvinhu.

Vanoti taskforce yakanzwa zvakare pasvika gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro kuitira vana vari kunyora bvunzo dzeCambridge nedzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), panguva iyo bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riri mushishi kuona kuti midziyo nezvimwe zvinodiwa mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi muzvikoro zvavepo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×