Vakuwasha vorwira mendenenzi

toiletVAKUWASHANYINA vaviri vakaendesana kumatare apo mumwe aida kupihwa mari yemendenenzi.
Lameck Manjokota akaendesa Tavengwa Tshenge kuHarare Civil Court achiti anoda mari yemendenenzi yekuriritira vana vaTshenge.
“Ava ndibamunini vakaroora pamwe chete neni, asi ndini ndiri kugara nevana vavo. Dambudziko randauya naro kuno nderekuti havasi kuda kuriritira vana vavo. Ndati dare rindibatsire akwanise kubhadhara $100 yemendenenzi yekuchengeta vana vake, ndichiitora ini sezvo ndirini ndiri kugara nevana,” akadaro Manjokota.

Manjokota akaenderera mberi achiti ndiye anoenga chikafu pamwe nekubhadharira vana vaTshenge chikoro.
“Mari yechikoro chaiyo haandipi. Ndaona kuti zvekumuuisa kuno kudare ndizvo zvingabatsira uye kuti vana vararame upenyu hwakanaka sezvo baba vainavo.

“Ini ndine zvanguwo, handingamiriri kuchengeta vana vemumwe murume iye aripo. Kugara navo kwacho haadi zvese nekuvachengeta,” akadaro.

Tshenge akati haakwanise kubhadhara mendenenzi sezvo ava kuda kuchengeta vana vake oga uye haana mari yacho.

Akati: “Ishe wangu, kungoti zvangu vana handisati ndave kugara navo asi ivo bamukuru vari kutozviziva kuti nditori munzira kutora vana vangu ndigare navo ndega.

“Nekuda kweizvi handikwanise kubhadhara mari yavari kuda nekuti kwangosara nguva diki ndinenge ndave kutogara nevana vangu.

“Kubasa kwangu ndiri kutambira mari shoma, yandingatongokwanisa chete i$20 yekuti vana vambosana kudya panguva diki yasara kuti ndivatore.

Pamari shoma yandiri kuwana iyoyo ndipo pane mari yangu yerendi neyekutenga chikafu nekubhadhara mitero.”
Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Tshenge abhadhare $70 pamwedzi yevana vaviri achigadzirisa kuti avatore.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×