Vamwe 8 vafa neCovid-19

Vamwe 8 vafa neCovid-19

Munyori weKwayedza
Vanhu vawanikwa vaine chirwere cheCivid-19 mushure mekunge vavhenekwa nhasi bedzi i407 uye vamwe vasere vafa muzuva ranhasi.
Mashoko anobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana anoti vose vawanikwa vaine Covid-19 nhasi vanhu vagara vari muno uye vasina kumbobvira vabuda muZimbabwe.
Pavanhu vasere vafa nhasi, vatanhatu ndeve muHarare kuchiti vamwe vaviri ndeve kuMasvingo.
Pamwe chete, vanhu vawanikwa vaine Cobid-19 kubva payatanga kuonekwa muno mumwedzi waKurume gore rapera vava 14 491 uye vapona kubva kudenda iri vasvika 11363 kuchiti vamwe 377 vafa.
Zvichakadai, Hurumende nhasi yasimbaradza matanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi ndokudzokera kudanho re”lockdown” inoti munhu wose ambogara kumba kutanga izvozvi.

Related Posts

Mwanakomana oshungurudza baba vake (91) achida kuvadzinga pamba

Tendai Vambe MURUME ane makore 91 okuberekwa akapiwa gwaro rekumudzivirira kubva kumhirizhonga inokonzerwa nemwanakomana wake, waakapomera mhosva dzekumushungurudza, kumurova, pamwe nekutyisidzira kumudzinga pamba pake. Nyaya iyi yakanzwikwa muMutare Civil Court,…

Murimi wekuGoromonzi oita purofiti inodarika US$250 pagoho roga roga

Muchaneta Chimuka VARIMI vane chitsama nevadzidzi vekumakoreji ezvekurima nomusi weChitatu vakashanyira purazi remumwe murume wekuArcturus, mudunhu reGoromonzi, uyo ari kuita mashura nezviratidzo mukurima hanyanisi, madomasi, makarotsi, nyemba, mbatatisi nezvimwe. Vanhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×