Vamwe vacho makoronyera

MURIMI ane mukurumbira mukupfuya zvihuta kuWaterfalls, muHarare, ari kuyambira vanoda kutanga basa iri kuti vangwaririre makoronyera ayo anogona kuvabira mari yavo nezvimwe zvichitevera kukurumbira kuri kuita bhizimisi iri.

VaStewart Gomwe (41), avo vanogara panhamba 255 Nelson Avenue kuProspect, mumwe wevakatanga kupfuya zvihuta uye vave kutopa vamwe varimi zvidzidzo zvemapfuyirwo eshiri idzi.

“Pose panoitwa chinhu chigoita mukurumbira, panowanikwa matsotsi. Izvozvi munhu wese kana ari kungotaura nenyaya yezvihuta saka matsotsi atovapo nekudaro chaapo hatizivei kuti munhu wamuri kutaura naye abva kupi,” vanodaro.

VaGomwe vanogona kuchengeta zvihuta zvinodarika 3 000 panguva imwe chete pamba pavo. Vanoti kune masangano akawanda nevanhu vakazvimirira vari kutaura kuti vanodzidzisa vanhu kupfuya zvihuta asi vamwe vacho matsotsi.

“Kune vanhu vari kufamba mumigwagwa nezvingoro vachitengesa nhiyo dzezvihuta asi isu tinoti varimi ngavaende panzvimbo chaidzo dzavanowana vanhu vanoita izvi votengeserwa zvihuta zvavo kuitira mangwana vakawana matambudziko vanogona kudzoka vosvikotaurirana nemunhu akavatengesera.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *