‘Vamwe vanoda kungwarirwa’

Munyori weKwayedza

MUNYORI mukuru musangano reFederation of Indigenous Churches of Zimbabwe, VaMathius Tsine, vanoti mazuva ano vanhu vanofarirwa kungwarira mamwe machechi nehutungamiri hwacho.

“Tine vanhu vanovamba masangano avo emasvondo nepfungwa dzavo vachitaura zvavanofunga. Kutanga chechi hakurambidzwe asi tinoda kutevedza mitemo yeHurumende yedu.

Chechi yeTemple of God — Mifananidzo naNicholas Bakili

“Tine vamwe vanhu vanonamatwa vachinzi ndivo vana’Mwari’ saka hazvitishamise asi tinozvishora,” vanodaro.

“Magwaro anoti Jesu Kirisitu achauya kechipiri, Bhaibheri richiti zvakare kune vamwe vachatanga kuenda kuvanhu vachiti ndini Jesu adzoka kechipiri uyewo richiti ivavo varambei asi vachauya,” vanodaro.

Madzibaba Mossy vechechi yeJohane Masowe yeChishanu yekuMapuranga, kwaMachipisa, kuHighfield muHarare, vanoti munhu oga oga anoshevedzwa naMwari zvakasiyana nemumwe.

“Hatigone kushora murume uyo ari kuzviti ndiEmmanuel Jesu nekuti paakasangana naNyadenga ndiye oga anoziva mafambiro azvakaita. Saka munhu anoda kupihwa nguva yake kwete kumushora pachiri padyo,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *