Vamwene hutu nemwana mucheche wemuroora vachida kufadza chikomba

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inokahadzisa zvakanyanya, vamwene vane makore 38 okuberekwa vakatiza nemwana ane masvondo matatu ekuberekwa wemuroora wavo kubva kuChitungwiza uye ndokuenda naye kwaMurehwa vachida kufadza chikomba chavo kuti chigofunga kuti ndivo vaive vabara mwanasikana uyu.

Vamwene ava, Nonmatter Vambe, wekuMagamba, kwaMurehwa akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza, VaBatsirai Madzingira, vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12.

Akazobvisirwa mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika kureva kuti achapika kwemwedzi misere izere.

Muchuchisi, Shamiso Charmaine Mwapangira, akaudza dare kuti nomusi wa28 Chivabvu gore rino munguva dzemangwanani, Vambe akaridzira nhare muroora wake Precious Mutisi (22) wekuBudiriro 5B, muHarare, ndokukumbira kuti asangane naye muguta reHarare achiti aida kumutengera tangi rekuisa gasi.

Mutisi akamuudza kuti akanga asina mari yebhazi, achibva amutumira US$4.

Muroora uyu akazopinda muguta reHarare munguva dzemasikati, ndokuzivisa vamwene vake avo vakamuudza kuti akanga anonoka.

Vambe akaudza muroora wake kuti aifanirwa kupfuurira kuenda kuChitungwiza uye osvikomira pedyo nenzvimbo yeVelvet.

Mutizi akapfuurira kuChitungwiza ndokudzika padyo neChitungwiza Magistrates Court ndokubva azivisa vamwene vake.

Vambe akabva asvika aine mwanakomana waMutisi ane makore maviri okuberekwa uyo waanogara naye.

Akakumbira muroora wake kuti amutambidze mwana ndokumubereka kumusana apo aiseka achiti: “Uyu mwana wangu, basa rako raive rekuzvara chete.”

Akazopa muroora wake US$50 asati akwira bhazi, ndokusiya Mutisi aine mwanakomana wake paChitungwiza Magistrates Court.

Mutisi akazoenda kumba kwaVambe kuUnit O, kuChitungwiza kwakare.

Mushure meawa imwe chete, Vambe akabva asvikawo akabereka mwana uya kumusana aine mumwe murume uyo anofungirwa kuti ndicho chikomba chake.

Vambe akapinda muimba yekudyira nechikomba chake apo Mutisi aive mubhedhuru ndokuzomupa mwana uyu kuti amuyamwise.

Husiku hwemusi wa28 Mbudzi, Mutisi akarara mubhedhuru nevana vake vaviri apo Vambe akarara muimba yekutandarira nechikomba chake ichi.

Vambe akange ambotaurira muroora wake kuti aida kunyengedza chikomba ichi kuti chifunge kuti ndiye muridzi wemwana mucheche uyu.

Muzuva rakatevera, Vambe akatora vana vemuroora wake, mwanakomana ane makore maviri okuberekwa nemucheche, achiita seaida kuperekedza chikomba chake asi akabva angoita museve waenda neuma nevana ava.

Mutisi akazoridzira vamwene vake nhare vachibva vamuudza kuti vasangane muguta reHarare asi akasvikovashaya.

Nomusi wa30 Chivabvu, akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Vambe akazosungwa nomusi wa1 Chikumi ari kubhuku raChitate kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa.

Mutisi akazoenda kukamba yeMurewa Police Station musi wa2 Chikumi uko akanosanganiswa nevana vake.

Related Posts

From entitlement to ownership

Nqobile Magwizi Inside ZIFA Zimbabwean football stands at an important moment. Across the game, there are encouraging signs of progress. The National Sports Stadium is moving steadily towards full restoration.…

Bulawayo battles transport chaos as Egodini lies idle

Vusumuzi Dube, Deputy Radar Editor BULAWAYO is losing the battle against illegal transport operators and space barons, with the City Council revealing that only a fraction of an estimated 3…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×