Vamwene ndivo mubati wehomwe

KUNA tete
Ndiri mudzimai ane makore 28 okuzvarwa uye ndava nemwedzi mitatu ndawanikwa. Murume wangu anoshandira kunze kwenyika. Zvino dambudziko riripo nderekuti tiri varoora vatatu tichigara tose pamba pevabereki vevarume vedu. Wangu murume chete ndiye asipo, vamwe varume vanoshanda vachidzoka kumba.

Amwene vedu natezvara vanogara nesu pamba apa. Asi chinondinetsa ndechekuti amwene ndivo vanotora mari inotumirwa nemurume wangu kubank. Izvi ndizvo zvandakangosvika zvichiitwa. Ndivo vanototiitira hurongwa uye ini ndinotoita kuvaudza mari yandinenge ndichidawo.

Grocery ndivo vanonditengera. Asi nhai tete, handiti ndavapowo mukadzi wemwanakomana wavo here? Ndave kuda kutengawo midziyo yangu ndichizvirongerawo upenyu. Murume wangu akasiya andimisa basa achiti mari inouya mwedzi woga woga. Zvino kana mari yoramba ichisvikira mumawoko avamwene sezvinonzi ini handipo ndoitawo sei? Kuti nditaure ndichiri mutsva, handizovamba  ruvengo here?

Ndipeiwo zano tete.
Millicent G.
Mabvuku, Harare.

MHINDURO:

Dambudziko rako rinorwadza muzuku. Chatinoziva kana munhu aroora kana kuroorwa zvinhu zvese zvinosanduka. Kana ari murume, zvese zvake mukadzi ndiye anenge ava kutoona mafambisirwo azvo, zvimwe chetewo kana ari mukadzi.

Murume wako ndiye benzi, ane rimwe naamai vake. Nokuti zvaakaona kuti aroora aitofanirwa kukupa kadhi racho rekubhanga kuti upote uchinotora mari iwewe kwete vamwene vako. Vabereki vemurume wako vanopengawo. Sei vasiri kuda kurumura mwana wavo?

Zano randave kukupa muzukuru nderokuti iwe taura nemurume wako womuudza zvese zviri kukushungurudza, mubudire pachena kuti asi haavimbe newe here, zvaakasiya kadhi richishandiswa naamai vake kukutorera mari, kunge mwana mudiki.

Umuudze kuti unodawo kutenga midziyo yako uyezve zvinenge zvichinzwa moyo wako kuda kudya. Kana aine rudo newe zvichasanduka, asi ukaona atsika-tsika woziva kuti pane dambudziko hombe.

Tete.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×