Musambo weChimurenga wosimudzirwa

mapfumo
Thomas Mapfumo

Kingstone Mapupu
MUMWE muimbi ari kusimukira wekwaMutoko, kudunhu reMashonaland East, oita zvinorova mumusambo weChimurenga.
Gilbert Noel (39) anoimba nechikwata cheMutoko Chimurenga uye anoti akatanga zvekuimba kare ari pasi pevaimbi vane mukurumbira. Noel, uyo ane dambarefu idzva, anoti akaita zvidzidzo zvekuimba nekuridza magitare kukoreji yeZimbabwe College of Music muguta reHarare.

“Ndakatanga zvekuimba izvi ndiri mwana mudiki zvikuru pandakamboridza naThomas Mapfumo, Sekuru Gora, Tinei Chikupo, James Chimombe naEphat Mujuru apo ndairidza ngoma nekuimba zvakare. Izvozvi ndinonyora, kuimba, kuridza ngoma nemagitare uyewo nembira,” akadaro Noel.

Anoti dambarefu rake idzva, iro rinove rechisere kubvira paakatanga zvekuimba, rinonzi Chipo Chenyika uye rine nziyo nhanhatu.

“Kare ndaimboimba nziyo dzechitendero pamadambarefu angu manomwe asi pane idzva iri ndasandura musambo ndave kuimba Chimurenga senzirawo yekuyemura vaimbi vakaita samukoma  Thomas ‘Mukanya’ Mapfumo avo ndakamboridza navo,” akadaro. Dambarefu rake idzva iri rine nziyo dzinoti Chipo Chenyika, Tinotenda VaMugabe, Vakanaka Nevakaipa, Chipo Tinacho muZimbabwe, Emelina, Nhangemutange naNyika ino Yakadiwa naMwari.

Muimbi uyu anoti akambobuda kunze kwenyika kakawanda kunoita mashoo kunyika dzinosanganisira China, Belgium, Denmark, Namibia nekuScotland.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×