Vamwene nemuroora tiba! ‘Vanotaurisa amai ava’… ‘Muroora anondinanga’

Gamuchirai Muzanenhamu
VAMWENE vekudhonzera muroora kudare vachiti ari kuvashungurudza vakazoshaya pekupinda nekunyara apo akatanga kufumura mabasa akaipa avanoita anosanganisira kumurova nembama.

Esnath Mbangwe akaendesa muroora wake, Letty Matope, kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Anoti ndini ndakauraya mwana wangu nekumudzipa uye ndiri kumudzinga pamba asi zvese izvi manyepo, ava kutondiita muroyi mudunhu,” anodaro Mbangwe.

Anoenderera mberi achiti Matope anouya kumba kwake achida kumurwisa zvekuti ava kutyira upenyu hwake.

“Anouya achida kundirwisa achitaura mashoko anonyadzisa kuti ndiataure pamberi pevanhu. Zvino ini nekuchembera, ndava kutya kuti pamwe anouya ndiri ndega akandirwisa,” anodaro Mbangwe.

Matope anoti Mbangwe anotaurisa zvekuti murume wake paaiva mupenyu, vakatozobva pamba pake nekuda kwehunhu hwake.

“Amai vanotaurisa ivava, murume wangu achiri mupenyu takabva pamba pavo nekuda kwekutaurisa kwavo. Izvezvi kumba kwavo handisvike nekuti ndikavapindura inenge yatova nyaya asi ndivo vanenge vatanga,” anodaro Matope.

Anoti pakarwara murume wake, Mbangwe akamutora ndokuenda naye kunomupepa kumba kwake iye akamutevera asi akamurova mbama achimudzinga pamba.

“Pakarwara murume wangu, vakauya vakamutora vachiti handisi kugona kumuchengeta zvakanaka ndikatevera kumba kwavo vakandirova mbama vachindidzinga zvekuti murume wangu akasvika pakufa vasina kunditaurira,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMbangwe achiti haana kupa humboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMatope.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *