Vana 100 vopinzwa chikoro

SANGANO rakazvimirira, reCampaign for Women Education (CAMFED), riri kubatsira vana vanodarika 100 vanobva mumhuri dzinoshaya nekuvabhadharira mari dzechikoro pamwe nemadzimai kuti vapinde mumabhindauko emabasa emawoko.

CAMFED isangano rakaumbwa mugore ra1998 nedonzvo rekusimudzira raramo yemadzimai nevana vanoshaya.

Sachigaro wesangano iri mudunhu reBuhera, Mai Tsvakai Makaripe (34), vanoti donzvo ravo nderekusimudzira upenyu hwemadzimai nevana vanoshaya kumativi ose eZimbabwe. “Mushure mekuona kuti vamwe vanasikana vakanga vasingaende kuzvikoro, sangano iri rakaumbwa zvikaita kuti rizopambire kumativi mana enyika,” vakadaro Mai Makaripe.

Vanoti pakutanga vaibatsira vanasikana chete nekuvaendesa kuchikoro asi pari zvino vave kuyamura nevanakomana.

“Tine vana vechikoro vasikana nevakomana vanodarika zana avo vari kubhadharirwa mari dzechikoro neCAMFED uyewo nekutengerwa mbatya dzechikoro nemabhuku nezvimwe zvavanoda. Vana ava vekusekondari nepuraimari vanosarudzwa nevatungamiri vezvikoro neveSchool Development Committee, zvichienderana nekushaya kwavo,” vakadaro.

Vanoti sangano iri rinoendesa vana kuzvikoro kusvika Form 6 uye kune vanenge vachigona vanodzidziswa kusvika padanho ravanoda kumayunivhesiti nemakoreji.

Vanotizve vari kubatsira madzimai emudunhu reBuhera kuvamba mabhindauko emawoko.

“Kune madzimai akazvimirira muno, kusanganisira ini, takapihwa huku dzemazai nedzenyama idzo tinochengeta tichizotengesa kuti tiriritire mhuri dzedu. Upenyu hwemadzimai mazhinji hwasanduka kuburikidza nerubatsiro urwo tinowaniswa nesangano iri,” vakadaro Mai Makaripe.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×