Giroud otambira Arsenal kusvika 2018

CHIZVARWA chekuFrance, Olivier Giroud, akasaina kondirakiti itsva kuArsenal iyo ichamuona achiramba ari kuchikwata ichi kuEmirates kusvika mugore ra2018 uye achange achitambira 80 000 paunzi pasvondo.
Chibvumirano ichi ndeche kuwedzera makore maviri pakondirakiti yaGiroud yaagara anayo uye chikwata chake chichazviburitsa munguva inotevera.

Giroud parizvino haasi kukwanisa kutamba nhabvu sezvo akakuvara gumbo rake apo maGunners akaita mangange 2-2 neEverton muna Nyamavhuvhu.

Mutambi uyu, uyo ane makore 28 ekuberekwa, ari mumwaka wechitatu achitambira Arsenal kubva paakatengwa achibva kuMontpellier nemari inosvika 10 miriyoni paunzi.

Arsene Wenger akamhanya kutenga vatambi vatsva vekumberi mwaka uno izvo zvakamuona achitenga Alexis Sanchez kubva kuBarcelona nemari inosvika 30 miriyoni paunzi uye pamwe naDanny Welbeck kubva kuManchester United nemari inosvika 16 miriyoni paunzi.- MailOnline Football

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×