Vana 2 vatsvira mumba

Kingstone Mapupu

VANASIKANA vaviri, ane makore maviri okuberekwa neane makore mana, vekuMasvingo vakatsvira mumba mushure mekunge imba yavaive varere yabatira moto uyo usati wazivikanwa kuti wakatanga sei munguva dzemanheru.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nguva pfupi yadarika.

Vanoti mitumbi yevana ava yakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheMasvingo General Hospital kuongororwa nanachiremba.

Insp Dhewa vanoti chakakonzera moto uyu hachisati chava kuzivikanwa sezvo nyaya iyi ichiri kufeewa.

“Nyaya yetsaona yekutsva kwevana vaviri ava nemoto iri kufambira mberi nekufeewa kuchitsvagiwa chaizvo zvakaitika. Nguva dzose, tinokurudzira vabereki kana vanhu vanogara nevana kuona kuti vana ava vanorara nevanhu vakuru mudzimba dzavanenge vari uyewo nekuona kuti moto wadzimwa,” vanodaro Insp Dhewa.

“Panguva ino yechando, tinokurudzira zvakare kuti vanhu vasarare mudzimba nembaura sezvo zvinogona kukonzera tsekwende yekufa kwevanhu vapfumbirwa nemweya unobva mumarasha.

“Izvozvi tine tsaona yevanhu vashanu vemhuri imwe chete vakafa kuMidlands nekuda kwembaura. Vanhu ngavakuhwidze moto panze kwete kupinda nembaura mudzimba,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *