Vana 22 000 vobatsirwa

Daphne Machiri —
SANGANO rinosimudzira zvidzidzo zvezvigadzirwa zvesainzi muzvikoro, reZimbabwe Science Fair rinoti rakasarudza vana vanosvika 22 000 kubva muzvikoro zviri kumatunhu akasiyana enyika avo riri kusimudzira matarenda avo.

Mukuru wesangano iri, Knowledge Chikundi, anoti donzvo ravo nderekubatsira vana vane zvipo zvemabasa emawoko anoenderana nezvigadzirwa zvesainzi.

“Kubva mwedzi waMbudzi gore rapera kusvika Kukadzi gore rino, takwanisa kusarudza vana vechikoro vanosvika 22 000 kubva muzvikoro zviri kumatunhu akasiyana enyika. Izvi zvinoratidza kuti tine matarenda evana vanosanganisira mascientist, vanachiremba, engineers, pharmacist nevamwe,” anodaro.

Anoti mwedzi wadarika, sangano ravo rakaenda nezvikoro zvesekondari zvitatu zvemunyika muno kuBotswana uko kwaive nezviratidzwa zvesainzi.

“Mwedzi wapfuura takaenda kuBotswana nezvikoro zvitatu zvesekondari zvinoti Dominican Convent High, Irene Christian High neSt Anthony’s High uko takakokwa kuBotswana International University of Science and Technology Festival,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Takawana ruzivo rwuchatibatsira kuitawo zvirongwa zvakadai muZimbabwe. Kupera kwegore rino tichaita Zimbabwe Science Fair apo tichakoka dzimwe nyika dzemuAfrica.”

Zvakadai, Chikundi anoti akawana mukana wekuenda kunovandudza ruzivo rwake kunyika yeAustralia apo achange ari pakati pedzimwe shasha dzezvesainzi dzemuAfrica.

Chikundi — uyo akasimuka muZimbabwe svondo rapera — anoti ari kunoita zvidzidzo zveScience Communication uye akawana mukana uyu zvichitevera basa guru riri kuitwa nesangano ravo rekusimudzira zvidzidzo zvesainzi muno kubvira pagwaro reECD kusvika kumayunivhesiti .

“Mukana uyu ndakaupiwa neAustralian Embassy pasi pechirongwa chavo cheAustralian Awards Fellowship. Ndichanoita zvidzidzo zveScience Communication paAustralia National University uye kuchange kuine vedzimwe nyika dzemuAfrica apo tichapana ruzivo rwezvidzidzo zvesainzi,” anodaro Chikundi.

Anoti ruzivo rwaari kunowana kuAustralia rwakakosha sezvo zvichaita kuti sangano ravo rivandudzewo zvidzidzo zveSTEM muzvikoro zvemuno.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×